Tito 2 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mufananidzo wavaKristu

1Zvino iwe, taura zvakafanira, dzidziso yakarurama.

2Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira;

3saizvozvowo vakadzi vakuru, ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka;

4kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo,

5vave vakangwara, vakachena, vanochengeta mhuri, vanyoro, vanozviisa pasi pavarume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.

6Saizvozvowo varume vaduku uvaraire kuti vave vakangwara;

7pazvinhu zvose iwe umene uvaratidze makwara amabasa akanaka; uve nokusakanganisa pakudzidzisa, nomugariro unokudzwa,

8nokutaura kwakarurama, kusingagoni kushoorwa, kuti anopesana nesu anyadziswe, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro pedu.

9Varanda ngavazviise pasi pavatenzi vavo, vavafadze pazvinhu zvose, vasingakakavari;

10vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose.

11Nokuti nyasha dzaMwari dzakaonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa,

12dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino,

13takatarira tariro inofadza, nokuonekwa kwokubwinya kwaMwari mukuru, noMuponesi wedu, Kristu Jesu,

14wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.

15Taura zvinhu izvi, urayire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help