Joshua 17 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Nhaka yaManase

1Ndiwo mugove worudzi rwaManase; nokuti iye wakanga ari mwana wedangwe waJosefa. Kana ari Makiri, mwana wedangwe waManase, baba vaGiriadhi, iye wakapiwa Giriadhi neBhashani, nokuti wakanga ari murwi.

2Vamwe vana vaManase vakapiwa mugove nemhuri dzavo: Vana vaAbhiezeri, navana vaHereki, navana vaAsirieri, navana vaShekemu, navana vaHeferi, navana vaShemidha, ndivo vakanga vari vana vavakomana vaManase, mwanakomana waJosefa, nemhuri dzavo.

3Asi Zerofeadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wakanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vake akanga ari Mara, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza.

4Ivo vakaswedera kumupristi Eriazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokumachinda, vakati, “Jehovha wakaraira Mosesi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu;” naizvozvo akavapa nhaka pakati pavanun'una vababa vavo, sezvakanga zvarairwa naJehovha.

5Manase akapiwa migove ine gumi, kunze kweGiriadhi neBhashani mhiri kwaJodhani;

6nokuti vanasikana vaManase vakanga vane nhaka pakati pavanakomana vake; nyika yeGiriadhi yakanga iri yavamwe vanakomana vaManase.

7Muganhu waManase wakabva kwaAshuru, ndokusvika paMikimetati, pamberi peShekemu; zvino muganhu ndokuenda kuruoko rworudyi, kusvikira kuvanhu vakanga vagere Eni–tapua.

8Nyika yeTapua yakanga iri yaManase; asi Tapua pamuganhu waManase rakanga riri guta ravana vaEfuremu.

9Zvino muganhu ndokuburuka kurukova Kana, nechezasi kworukova; maguta iwayo akanga ari aEfuremu, pakati pamaguta aManase; muganhu waManase wakanga uri nechokumusoro kworukova, ndokuguma pagungwa.

10Kurutivi rwezasi nyika yakanga iri yaEfuremu; kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase; gungwa waiva muganhu wake; miganhu ikasvika kwaAshuru kumusoro, nokwaIsakari kumabvazuva.

11Pakati paIsakari naAshuru Manase wakanga ane Bheti–sheani nemisha yaro, neJibhireami nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Dhoru nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Endoru nemisha yaro, navakanga vagere Taanaki nemisha yaro, navakanga vagere Megidho nemisha yaro, ari makomo matatu.

12Asi vana vaManase vakanga vasingagoni kudzinga vanhu vakanga vagere mumaguta iwayo; asi VaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo.

13Zvino vana VaIsiraeri vakati vava nesimba, vakaita VaKenani vabati vechibharo, havana kuvadzinga chose.

14Zvino vana vaJosefa vakataura naJoshua, vakati, “Makatipireiko mugove mumwechete nechikamu chimwechete, kuti ive nhaka yedu, zvatiri vanhu vazhinji, nokuti Jehovha akatiropafadza kusvikira zvino?”

15Joshua akati kwavari, “Kana muri vanhu vazhinji, endai henyu kudondo, mundozvitemera nzvimbo ipapo panyika yavaPerezi neyavaRefaimu; zvamusingakwaniri panyika yamakomo yaEfuremu.”

16Vana vaJosefa vakati, “Nyika yamakomo haingatikwaniri; uye VaKenani vose vanogara munyika yomupata vane ngoro dzamatare, ivo vose vari paBheti–sheani nemisha yaro, navari mumupata weJezireeri.”

17Zvino Joshua akataura naveimba yaJosefa, ivo vaEfuremu navaManase, akati, “Imi muri vanhu vazhinji, mune simba guru, hamungavi nomugove mumwechete;

18asi nyika yamakomo ichava yenyu; nokuti kunyangwe riri dondo, muchafanira kuritema, mabudiro aro ose agova enyu; nokuti munofanira kudzinga VaKenani, kunyangwe vane ngoro dzamatare, uye kunyangwe vane simba.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help