1Shure kwaizvozvo, Pauro akabva Ateni, akasvika Korinde;
2akawana mumwe muJudha, ainzi Akwira, worudzi rwavePondusi, achangobva Itariya, naPirisira mukadzi wake; (nokuti Kiraudhio akanga arayira kuti vaJudha vose vabve Roma); akaenda kwavari;
3zvino zvaakanga ane basa rimwe navo, akagara navo vachibata; nokuti basa ravo raiva rokuita matende.
4Sabata rimwe nerimwe akataurirana navo musinagoge, akaedza kugombedzera vaJudha navaGiriki.
5Zvino Sirasi naTimoti vakati vachizoburuka vachibva Masedhonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, achipupurira vaJudha kwazvo kuti Jesu ndiye Kristu.
6Zvino vakati vachimudzivisa, nokumutuka, akazunza nguo dzake, akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.”
7Akabvapo, akapinda mumba momumwe, ainzi Tito Jusuto, ainamata Mwari, imba yake yaiva pedyo nesinagoge.
8NaKirisipo, mukuru wesinagoge, akatenda kuna Ishe naveimba yake yose; navazhinji veKorinde vakanzwa, vakatenda, vakabhabhatidzwa.
9Zvino Ishe akati kuna Pauro usiku nechiratidzo, “Usatya hako, asi taura, usanyarara;
10nokuti ini ndinewe; hapana munhu angakumukira akakuitira zvakaipa, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.”
11Akagarapo gore rimwe nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
12Zvino Gario akati ava mubati weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nomwoyo mumwe, vakauya naye pachigaro chokutonga,
13vachiti, “Uyu anogombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira isingatenderwi nomurairo.”
14Zvino Pauro akati oda kushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha, “Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomwoyo murefu kwamuri, imi vaJudha.
15Asi kana dziri nharo pamusoro pamashoko namazita nomurairo wenyu, tambai henyu imi mhosva iyo; ini handidi kuva mutongi waizvozvo.”
16Akavadzinga pachigaro chokutonga.
17Zvino vose vakabata Sositeni, mukuru wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chokutonga; asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe chaizvozvo.
18Pauro akati agarapo mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo, akaenda Siria nechikepe, ana Pirisira naAkwira, aveura musoro wake paKenikiria, nokuti akanga apika.
19Vakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene akapinda musinagoge akataurirana navaJudha.
20Zvino vakati vachikumbira kuti agare navo nguva refu, haana kutenda;
21asi wakaonekana navo, achiti, “Ndichadzokerazve kwamuri, kana Mwari achida,” akabva Efeso nechikepe.
22Akati asvika Sizaria, akakwira kundokwazisa Chechi, akaburukira Andiyoku.
Aporo paEfeso23Akati agarapo nguva, akabva, akagura nenyika dzeGaratia neFirigia achidzitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.
24Zvino mumwe muJudha ainzi Aporo, worudzi rwapaArekizandiria, murume akanga akadzidza zvikuru, akasvika Efeso; akanga ane simba pamagwaro.
25Uyu akanga adzidziswa nzira yaIshe, akashingaira nomweya, achitaura nokunatsodzidzisa zvaJesu, achiziva rubhabhatidzo rwaJohani bedzi.
26Iye akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Zvino Pirisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanatsomududzira nzira yaMwari.
27Zvino akati achida kuyambukira Akaya, hama dzikamusimbisa, vakanyorera vadzidzi kuti vamugamuchire. Zvino akati asvika, akabatsira zvikuru ivo vakatenda nenyasha.
28Nokuti akakunda vaJudha nesimba pachena, achiratidza naMagwaro, kuti Jesu ndiye Kristu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.