VaHebheru 1 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kristu mukuru kuvatumwa

1Mwari akataura kare kuna madzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, uye nemitoo mizhinji,

2zvino pakupedzisira kwamazuva ano akataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika;

3iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, anochengeta zvinhu zvose nezwi resimba rake, akati apedzisa kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwoUmambo kudenga,

4akapfuura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro, rakanyanya kunaka kupfuura ravo.

5Nokuti akambotaura kuna ani wavatumwa achiti,

“Ndiwe Mwanakomana wangu,

Nhasi ndakakubereka?

Uyezve,

Ndichava baba vake,

Iye achava Mwanakomana wangu?”

6Uye, kana achizouyisazve dangwe rake panyika, anoti, “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”

7Napamusoro pavatumwa anoti,

“Iye anoita vatumwa vake kuti vave mhepo,

Navaranda vake, kuti vave murazvo womoto;”

8Asi pamusoro poMwanakomana, anoti,

“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari,

chiripo nokusingaperi–peri,

Netsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo youshe hwako.

9Makada kururama, mukavenga kusarurama;

Saka Mwari, iye Mwari wenyu, akakuzodzai

Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.”

10Uye,

“Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga,

Nedenga ndiro basa ramaoko enyu;

11Iro richapera, asi imi mucharamba muripo;

Richasakara rose senguo;

12Mucharipeta sechinofukwa,

Senguo, rikashandurwa;

Asi imi hamushanduki, namakore

enyu haangagumi.”

13Asi akambotaura kuna ani wavatumwa, achiti,

“Gara kurudyi rwangu,

Kusvikira ndichiita vavengi vako vave

chitsiko chetsoka dzako?”

14Ko havazi vose mweya inoshumira, yakatumwa kuzobata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help