2 Makoronike 25 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Amaziya mambo waJudha

1Amaziya akanga ana makore makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Jehoadhani weJerusaremu.

2Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kuita nomwoyo wose.

3Zvino akati asimba paushe hwake, akauraya varanda vake vakauraya mambo baba vake.

4Asi haana kuuraya vana vavo, asi akaita sezvakanyorwa pamurairo paBhuku raMosesi, sezvakarairwa naJehovha, achiti, “Madzibaba haafaniri kufira vana vavo, navana havafaniri kufira madzibaba avo; asi munhu mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.”

5Amaziya akaunganidzawo vaJudha, akagadza pamusoro pavo vatariri vezviuru navatariri vamazana nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vaJudha vose navaBhenjamini; akavaverenga, vose vamakore ana makumi maviri navakapfuura, akavawana vari varume vane zviuru zvina mazana matatu vakatsaurwa, vaigona kurwa, vaigona kurwa nepfumo nenhoo.

6Akaripirawo varume vane simba noumahare vane zviuru zvine zana vaVaIsiraeri, akavapa matarenta ane zana esirivha.

7Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari, akati, “Haiwa, mambo, hondo yaVaIsiraeri ngairege kuenda nemi, nokuti Jehovha haapo pana Isiraeri, pavana vaEfuremu vose.

8Asi endai imi moga, shingai murwe nesimba; Mwari angakukundisai navavengi here? Nokuti Mwari ane simba rokubatsira nerokukundisa.”

9Ipapo Amaziya akati kumunhu waMwari, “Zvino tichaita seiko pamusoro pamatarenta ane zana andakapa pfumo raVaIsiraeri?” Munhu waMwari akapindura, akati, “Jehovha anogona kukupai zvinopfuura izvozvo kwazvo.”

10Ipapo Amaziya akavaraura, iro pfumo rakanga rauya kwaari richibva kwaEfuremu, kuti vadzokerezve kumusha; nemhaka iyo vakatsamwira Judha kwazvo, vakadzokera kumusha vatsamwa kwazvo.

11Zvino Amaziya akatsunga mwoyo, akatungamirira vanhu vake, akaenda kuMupata woMunyu, akauraya vana vaSeiri vane zviuru zvine gumi.

12Vana vaJudha vakatapa vane zviuru zvine gumi vari vapenyu, vakaenda navo pamusoro pedombo, vakavakandira pasi padombo, vakavhunikanya vose.

13Asi varume vehondo vakanga vadzoswa naAmaziya, kuti varege kundorwa naye, vakandowira maguta aJudha, kubva paSamaria kusvikira paBhetihoroni, vakauraya vanhu vane zviuru zvitatu kwavari, vakapambara zvizhinji.

14Zvino Amaziya akati achidzoka pakuuraya vaEdhomu, akauya navamwari vavana vaSeiri, akavaita vamwari vake, akavapfugamira, nokuvapisira zvinonhuwira.

15Saka Jehovha akatsamwira Amaziya, akatuma muporofita kwaari; iye akati kwaari, “Wakabvunzireiko vamwari vavanhu vakakoniwa kurwira vanhu vavo pamaoko ako?”

16Zvino wakati achataura naye, mambo akati kwaari, “Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, uchaurayirweiko?” Ipapo muporofita akanyarara, asi akati, “Ndinoziva kuti Mwari anofunga kukuparadza, nokuti wakaita izvozvi, ukasaterera zvandakakuraira.”

17Ipapo Amaziya mambo waJudha akatsvaka zano, akatuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, “Uya tirwe.”

18Joashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amaziya mambo waJudha, akati, “Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanakomana wangu mukunda wako ave mukadzi wake;’ zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika–tsika rukato.

19“Iwe unoti, ‘Tarira wakunda Edhomu; zvino mwoyo wako wava namanyawi, wozvikudza; gara hako zvino kumusha kwako; nokuti uchatsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?’ ”

20Asi Amaziya akaramba kunzwa; nokuti zvakanga zvichibva kuna Mwari, kuti avaise mumaoko avavengi vavo; nokuti vakanga vatevera vamwari vaEdhomu.

21Naizvozvo Joashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmaziya mambo waJudha vakarwa paBhetishemeshi riri paJudha.

22Judha vakakundwa naIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake.

23Joashi mambo waIsiraeri akasunga Amaziya mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBhetishemeshi, akaenda naye Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuwo raEfuremu kusvikira pasuwo rapakona, makubhiti ana mazana mana.

24Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMwari kuna ObhedhiEdhomu, nepfuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.

25Zvino Amaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakagara ari mupenyu makore ane gumi namashanu shure kwokufa kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo waIsiraeri.

26Zvino mamwe mabasa aAmaziya, okutanga nookupedzisira, tarirai, haana kunyorwa here mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri?

27Zvino kubva panguva yakarega Amaziya kutevera Jehovha, vakamurangana, vakamumukira paJerusaremu; iye ndokutizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo.

28Vakauya naye pamabhiza, vakamuviga kumadzibaba ake muguta raJudha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help