Mika 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Vatungamiriri vavanhu vanotukwa naJehovha

1Ini ndakati, “Chinzwai henyu, imi vakuru vaJakobho, navabati veimba yaIsiraeri. Ko hamusaifanira kuziva kururamisira vanhu here?

2Iyemi, munovenga zvakanaka, muchida zvakaipa, munovhiya vanhu ganda ravo, muchibvambura nyama yavo pamapfupa avo;

3imi, munodyawo nyama yavanhu vangu, muchisvuura ganda ravo, munovhuna mapfupa avo, muchiaguranya, sezvinoiswa muhari, senyama iri mugate.

4Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; zvirokwazvo achavavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo.

5Zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita, vakatsausa vanhu vangu, vanoruma nameno avo, vachidana vachiti, ‘Rugare!’ Asi asingaisi chinhu mumiromo yavo, vanomumukira hondo.

6Naizvozvo muchasvikirwa nousiku, kuti murege kuva nechamunoona; muchava nerima, kuti murege kuuka; zuva richavirira vaporofita, chiedza chamasikati chichavasvibira.

7Vaoni vachanyadziswa, navauki vachakanganiswa; zvirokwazvo, vose vachapfumbira ndebvu dzavo, nokuti hakuna mhinduro inobva kuna Mwari.

8“Asi kana ndirini, ndizere nesimba pamwechete noMweya waJehovha, nokutonga nokutsunga, kuti ndiparidzire Jakobho kudarika kwavo, uye Isiraeri zvivi zvavo.

9Chinzwai henyu chinhu ichi, imi vakuru veimba yaJakobho, navabati veimba yaIsiraeri, iyemi, munosema ruenzaniso, nokuminamisa zvose zvakarurama.

10Munovaka Zioni neropa, uye Jerusaremu nezvakaipa.

11Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapristi varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubairo, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyangwe zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, ‘Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.’

12Naizvozvo Zioni richarimwa somunda nemhaka yenyu, Jerusaremu richaitwa mirwi yamabwe, uye gomo reimba yaJehovha senzvimbo dzakakwirira dzokudondo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help