Mapisarema 51 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Rwiyo rwokuchema zviviKumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi, panguva yakasvika muporofita Natani kwaari, iye apinda kuna Bhatishebha.

1Ndinzwirei tsitsi, Mwari nokuda

kwounyoro hwenyu;

Dzimai kudarika kwangu nokuda

kwengoni dzenyu zhinji.

2Ndisukei zvakaipa zvangu chose,

Ndinatsei chivi changu.

3Nokuti ndinoziva kudarika kwangu;

Chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.

4Ndakakutadzirai imi, iyemi moga,

Ndakaita chinhu chakaipa pamberi penyu;

Kuti munzi makarurama pakutaura kwenyu,

Muve asina mhosva pakutonga kwenyu.

5Tarirai, ndakaberekerwa muzvakaipa;

Mai vangu vakandigamuchira muzvivi.

6Tarirai, munoda zvokwadi pamwoyo;

Munoda kundidzidzisa uchenjeri

mukati makavanda.

7Ndinatsei nehisopi, ndive akanaka,

Ndishambidzei, ndichene kupfuura mazaya echando.

8Ndinzwisei mufaro ndive nomwoyo muchena;

Kuti mapfupa amakavhuna afare.

9Vanzirai zvivi zvangu chiso chenyu,

Dzimai zvakaipa zvangu zvose.

10Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, Mwari;

Vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.

11Regai kundirasha pamberi penyu;

Musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri.

12Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu;

Nditsigirei nomweya, unoda.

13Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu;

Uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.

14Ndirwirei pamhosva yeropa, Mwari,

imi Mwari muponesi wangu;

Ipapo rurimi rwangu ruchaimbira

kururama kwenyu kwazvo.

15Ishe, zarurai miromo yangu;

Ipapo muromo wangu uchaparidza

kurumbidzwa kwenyu.

16Nokuti imi hamufariri zvibairo;

ndingadai ndaikupai izvo;

Hamufadzwi nechipiriso chinopiswa.

17Zvibairo zvaMwari mweya wakaputsika;

Mwoyo wakaputsika nowakapwanyika,

imi Mwari hamungaushori.

18Itirai Zioni zvakanaka nokuda kwenyu;

Vakai masvingo eJerusaremu.

19Ipapo muchafarira zvibairo zvakarurama,

nechipiriso chinopiswa nechipiriso chinopiswa chose;

Ipapo vachabayira nzombe paatari yenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help