Mapisarema 107 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Bhuku 5(Mapis 107—150)Vanhu ngavarumbidze Jehovha nokuda kwounyoro hwake

1“Vongai Jehovha, nokuti akanaka;

Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”

2Vakadzikinurwa vaJehovha ngavadaro,

Ivo vaakadzikinura muruoko rwomudzivisi;

3Akavaunganidza panyika dzose,

Kumabvazuva nokumavirira,

Kumusoro nezasi.

4Vakafamba–famba murenje

munzira yomugwenga;

Havana kuwana muguta mavangagara.

5Vakafa nenzara nenyota,

Mweya wavo ukaziya mukati mavo.

6Ipapo vakachema kuna Jehovha

pakutambudzika kwavo,

Iye akavarwira panjodzi dzavo.

7Wakavafambisawo nenzira yakarurama,

Kuti vasvike kuguta rokugara.

8Haiwa, dai vanhu vachirumbidza

Jehovha nokuda kwokunaka kwake,

Uye nokuda kwamabasa ake,

anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!

9Nokuti anogutisa mweya, une nyota,

Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.

10Ndivo, vakanga vagere murima

nomumvuri worufu,

Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare,

11Nokuti vakamukira mashoko aMwari,

Vakashora zano roWokumusorosoro;

12Saka wakaninipisa mwoyo yavo nokutambura;

Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira.

13Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo,

Akavaponesa pamatambudziko avo.

14Akavabudisa parima nomumvuri worufu,

Akadamburanya zvisungo zvavo.

15Haiwa, dai vanhu vachirumbidza

Jehovha nokuda kwokunaka kwake,

Uye nokuda kwamabasa ake,

anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!

16Nokuti wakavhuna masuwo endarira,

Nokuguranya mazariro amatare.

17Mapenzi anotambudzika nokuda

kwokudarika kwavo,

Uye nokuda kwazvakaipa zvavo.

18Mweya wavo unosema zvokudya zvose;

Vanoswedera pedyo namasuwo orufu.

19Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo,

Iye anovaponesa pamatambudziko avo.

20Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa,

Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo.

21Haiwa, dai vanhu vachirumbidza

Jehovha nokuda kwokunaka kwake,

Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa,

aakaitira vanakomana vavanhu!

22Ngavabayire zvibairo zvokuvonga,

Nokududzira mabasa ake nokuimba.

23Avo, vanoburukira kugungwa muzvikepe,

Vanoshambadzira kumvura zhinji;

24Ndivo vanoona mabasa aJehovha,

Nezvishamiso zvake pakadzika.

25Nokuti anoraira, ndokumutsa dutu guru,

Rinomutsa mafungu aro.

26Vanosimudzirwa kudenga;

ndokuburukirazve pakadzika;

Mweya wavo unonyauka nokuda kwenhamo.

27Vanondeya–ndeya

nokudzengedzeka somunhu akabatwa.

Vapera mano.

28Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo,

Iye ndokuvabudisa pamatambudziko avo.

29Anonyaradza dutu remhepo,

Mafungu aro ndokunyarara.

30Ipapo vanofara nokuti anyarara;

Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama

pavaida kuvapo.

31Haiwa, dai vanhu vachirumbidza

Jehovha nokuda kwokunaka kwake,

Uye nokuda kwamabasa ake

anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu!

32Ngavamukudzisewo paungano yavanhu,

Vamurumbidze pamakurukota avakuru.

33Anoshandura nzizi dzikaita renje,

Namatsime emvura aite nyika yakaoma;

34Nyika, inobereka zvakanaka, ive sango rebare,

Nokuda kwezvakaipa zvavanogara mairi.

35Anoshandura renje riite dziva remvura,

Nenyika yakaoma iite matsime emvura.

36Ndipapo paanogarisa vane nzara,

Kuti vamutse guta rokugaramo;

37Vadyare minda, vasime minda yemizambiringa,

Vawane zvibereko zvizhinji.

38Akavaropafadzawo, vakawanda kwazvo;

Akasatendera zvipfuwo zvavo kutapudzwa.

39Zvino vakatapudzika nokuva vashoma.

Nemhaka yokumanikidzwa,

nenhamo, nokuzvidya mwoyo.

40Anodurura kuzvidza pamusoro pamachinda,

Achivadzungaidza murenje musina nzira.

41Kunyangwe zvakadaro, anogadza

mushaiwi kumusoro kusina dambudziko,

Achimumutsira mhuri samapoka amakwai.

42Akarurama achazviona, akafara;

Uye zvakaipa zvose zvichadzivirwa

muromo wazvo.

43Ani naani akachenjera

achacherechedza zvinhu izvozvi,

Vachafunga unyoro hwaJehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help