1“Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”
2Vakadzikinurwa vaJehovha ngavadaro,
Ivo vaakadzikinura muruoko rwomudzivisi;
3Akavaunganidza panyika dzose,
Kumabvazuva nokumavirira,
Kumusoro nezasi.
4Vakafamba–famba murenje
munzira yomugwenga;
Havana kuwana muguta mavangagara.
5Vakafa nenzara nenyota,
Mweya wavo ukaziya mukati mavo.
6Ipapo vakachema kuna Jehovha
pakutambudzika kwavo,
Iye akavarwira panjodzi dzavo.
7Wakavafambisawo nenzira yakarurama,
Kuti vasvike kuguta rokugara.
8Haiwa, dai vanhu vachirumbidza
Jehovha nokuda kwokunaka kwake,
Uye nokuda kwamabasa ake,
anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
9Nokuti anogutisa mweya, une nyota,
Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.
10Ndivo, vakanga vagere murima
nomumvuri worufu,
Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare,
11Nokuti vakamukira mashoko aMwari,
Vakashora zano roWokumusorosoro;
12Saka wakaninipisa mwoyo yavo nokutambura;
Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira.
13Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo,
Akavaponesa pamatambudziko avo.
14Akavabudisa parima nomumvuri worufu,
Akadamburanya zvisungo zvavo.
15Haiwa, dai vanhu vachirumbidza
Jehovha nokuda kwokunaka kwake,
Uye nokuda kwamabasa ake,
anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
16Nokuti wakavhuna masuwo endarira,
Nokuguranya mazariro amatare.
17Mapenzi anotambudzika nokuda
kwokudarika kwavo,
Uye nokuda kwazvakaipa zvavo.
18Mweya wavo unosema zvokudya zvose;
Vanoswedera pedyo namasuwo orufu.
19Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo,
Iye anovaponesa pamatambudziko avo.
20Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa,
Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo.
21Haiwa, dai vanhu vachirumbidza
Jehovha nokuda kwokunaka kwake,
Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa,
aakaitira vanakomana vavanhu!
22Ngavabayire zvibairo zvokuvonga,
Nokududzira mabasa ake nokuimba.
23Avo, vanoburukira kugungwa muzvikepe,
Vanoshambadzira kumvura zhinji;
24Ndivo vanoona mabasa aJehovha,
Nezvishamiso zvake pakadzika.
25Nokuti anoraira, ndokumutsa dutu guru,
Rinomutsa mafungu aro.
26Vanosimudzirwa kudenga;
ndokuburukirazve pakadzika;
Mweya wavo unonyauka nokuda kwenhamo.
27Vanondeya–ndeya
nokudzengedzeka somunhu akabatwa.
Vapera mano.
28Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo,
Iye ndokuvabudisa pamatambudziko avo.
29Anonyaradza dutu remhepo,
Mafungu aro ndokunyarara.
30Ipapo vanofara nokuti anyarara;
Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama
pavaida kuvapo.
31Haiwa, dai vanhu vachirumbidza
Jehovha nokuda kwokunaka kwake,
Uye nokuda kwamabasa ake
anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu!
32Ngavamukudzisewo paungano yavanhu,
Vamurumbidze pamakurukota avakuru.
33Anoshandura nzizi dzikaita renje,
Namatsime emvura aite nyika yakaoma;
34Nyika, inobereka zvakanaka, ive sango rebare,
Nokuda kwezvakaipa zvavanogara mairi.
35Anoshandura renje riite dziva remvura,
Nenyika yakaoma iite matsime emvura.
36Ndipapo paanogarisa vane nzara,
Kuti vamutse guta rokugaramo;
37Vadyare minda, vasime minda yemizambiringa,
Vawane zvibereko zvizhinji.
38Akavaropafadzawo, vakawanda kwazvo;
Akasatendera zvipfuwo zvavo kutapudzwa.
39Zvino vakatapudzika nokuva vashoma.
Nemhaka yokumanikidzwa,
nenhamo, nokuzvidya mwoyo.
40Anodurura kuzvidza pamusoro pamachinda,
Achivadzungaidza murenje musina nzira.
41Kunyangwe zvakadaro, anogadza
mushaiwi kumusoro kusina dambudziko,
Achimumutsira mhuri samapoka amakwai.
42Akarurama achazviona, akafara;
Uye zvakaipa zvose zvichadzivirwa
muromo wazvo.
43Ani naani akachenjera
achacherechedza zvinhu izvozvi,
Vachafunga unyoro hwaJehovha.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.