1Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Jodhani, Jehovha akataura naJoshua, akati,
2“Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe;
3ugovaraira, uchiti, ‘Pano pakati paJodhani, pakaramba pamire tsoka dzavapristi muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyambuke munoaisa pavato, pamuchanorara usiku huno.’ ”
4Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana VaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe,
5Joshua akati kwavari, “Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJodhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana VaIsiraeri.
6Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, ‘Mabwe aya anoti kudiniko?’
7Imi muti kwavari, ‘Nokuti mvura yaJodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jodhani, mvura yaJodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana VaIsiraeri nokusingaperi.’ ”
8Vana VaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJodhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana VaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo.
9Zvino Joshua akamisa mabwe ane gumi namaviri mukati maJodhani, pakanga pamire tsoka dzavapristi vaitakura areka yesungano; aripo kusvikira nhasi.
10Nokuti vapristi vakanga vakatakura areka vakamira mukati maJodhani kusvikira zvose zvapera zvakanga zvarairwa Joshua naJehovha, kuti azviudze vanhu, zvose zvakanga zvarairwa Joshua naMosesi; vanhu vakakurumidza kuyambuka.
11Zvino vanhu vose vakati vapedza kuyambuka, areka yaJehovha ikayambukawo, navapristi pamberi pavanhu.
12Navana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, vakayambuka pamberi pavanhu, vakashonga nhumbi dzokurwa, sezvavakaudzwa naMosesi.
13Vanenge vane zviuru zvina makumi mana, vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, ndivo vakayambuka pamberi paJehovha, vakaenda kumapani eJeriko kundorwa.
14Nomusi uyo Jehovha akakudza Joshua pamberi paVaIsiraeri vose; vakamutya sezvavaitya Mosesi mazuva ose oupenyu hwake.
15Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati,
16“Raira vapristi vanotakura areka yechipupuriro, kuti vakwire vabude mukati maJodhani.”
17Naizvozvo Joshua akaraira vapristi, akati, “Kwirai, mubude mukati maJodhani.”
18Zvino vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJodhani, netsoka dzavapristi dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare.
19Vanhu vakakwira vakabuda paJodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko.
20Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJodhani paGirigari.
21Akataura navana VaIsiraeri, akati, “Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’
22Imi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, ‘Isiraeri vakayambuka Jodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.’
23Nokuti Jehovha Mwari akapwisa mvura yaJodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka;
24kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.