Amosi 2 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Moabhu vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapisa mapfupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota.

2Asi ndichatuma moto kuvaMoabhu, uchapedza dzimba dzoushe dzeKerioti; Moabhu vachafa nebope nokudanidzira uye nokurira kwehwamanda;

3ndichaparadza vatongi pakati pavo; nokuuraya machinda avo ose pamwechete navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

4Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaramba murairo waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo.

5Asi ndichatuma moto kuna Judha, uchapedza dzimba dzoushe dzeJerusaremu.”

6Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Isiraeri vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatengesa vakarurama nesirivha, uye anoshaiwa, vachipiwa shangu mbiri;

7ndivo vanoshuva kuona guruva rapasi pamusoro womurombo, vachitsausa nzira yomunhu munyoro; munhu nababa vake vachienda vose kumusikana mumwe, kuti vamhure zita rangu dzvene;

8vanovata pasi pamaatari ose panguo dzakatorwa dzichiitwa rubatso, vanonwa waini yavakaripiswa, mumba maMwari wavo.

9“Kunyangwe zvakadaro ndakaparadza VaAmori pamberi pavo, ivo vakanga vakareba semisidhari, vane simba semioki; kunyangwe zvakadaro ndakaparadza zvibereko zvavo kumusoro nemidzi yavo pasi.

10Ndakakubudisaiwo munyika yeIjipiti, ndikakufambisai murenje makore makumi mana, kuti mundopiwa nyika yaVaAmori.

11Ndakamutsawo vaporofita pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pamajaya enyu. Handizvo here, imi vana VaIsiraeri?

12Asi makapa vaNaziri waini vanwe, nokuraira vaporofita, muchiti, ‘Regai kuporofita.’

13Tarirai, ndichakutsikirirai pasi, sezvinotsikirira ngoro izere nemwanda.

14Anomhanyisa achakoniwa kutiza, vane simba havangasimbisi simba ravo, kunyangwe nemhare haingazvirwiri.

15Kunyangwe anobata uta haangamiri, anetsoka dzinomhanyisa haangazvirwiri; kunyangwe akatasva bhiza haangarwiri upenyu hwake;

16ane mwoyo mukuru pakati pemhare achatiza akashama nezuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help