Mapisarema 16 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Rudo rwaDhavhidhi kuna JehovhaRwiyo Mikitami rwaDhavhidhi

1Ndichengetei, Mwari, nokuti

ndinovimba nemi.

2Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu;

Kunze kwenyu handine chinhu chakanaka.”

3Kana vari vatsvene, vari panyika,

Ndivo vakaisvonaka vandinofarira zvikuru.

4Kuchema kuchawanzwa kwavanovigira

mumwe mwari zvipo;

Zvipiriso zvavo zvinodururwa

zveropa handingazvidururi,

Namazita avo handingaarevi nemiromo yangu.

5Jehovha ndiye mugove wenhaka

yangu nowomukombe wangu;

Munochengeta mugove wangu.

6Tambo yokuyera yakandiyerera

nzvimbo dzakanaka;

Zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka.

7Ndicharumbidza Jehovha akandipa mano,

Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzinondidzidzisa

panguva dzousiku.

8Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose;

Zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi.

9Naizvozvo mwoyo wangu unofara,

kukudzwa kwangu kunofarisisa;

Nyama yanguo ichagara yakachengetwa.

10Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori;

Hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora.

11Muchandiratidza nzira youpenyu;

Mufaro wakazara uri pamberi pangu;

Paruoko rwenyu rworudyi panezvinofadza nokusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help