1“Haufaniri kuona nzombe yehama yako, kana gwai rake, zvichirashika, ukazvinyenyeredza; zvirokwazvo unofanira kuzvidzosera kuhama yako.
2Kana hama yako iri kure newe, zvimwe usingachizivi, unofanira kuenda nacho kumusha kwako, chigare kwauri kusvikira hama yako ichichitsvaka, ugochidzosera kwaari.
3Unofanira kuita saizvozvowo nembongoro yake; unofanira kuita saizvozvowo nenguo yake; unofanira kuita saizvozvowo nezvinhu zvose zvehama yako zvakarasika, chaakanga arasikirwa nacho, chikawanikwa newe; haufaniri kuzvinyenyeredza.
4“Haufaniri kuona mbongoro, kana nzombe, zvehama yako zvawira pasi panzira, ukazvinyenyeredza; unofanira kumubatsira zvirokwazvo kuzvimutsa.
Zvisingatenderwi5“Mukadzi haafaniri kufuka nguo dzomurume, nomurume haafaniri kufuka nguo dzomukadzi; nokuti ani naani unoita izvozvo unonyangadza Jehovha Mwari wako.
6“Kana ukawana dendere reshiri panzira, pamuti upi noupi, kana pasi, rina vana kana mazai, mai ichivhuvhatira vana kana mazai, haufaniri kutora mai navana;
7unofanira kurega mai, asi vana ungatora hako; kuti zvive zvakanaka newe, uwedzerwe mazuva ako.
8“Kana ukavaka imba itsva, unofanira kuisa rumhanda padenga rako, kuti urege kuuyisa mhosva yeropa pamusoro peimba yako, kana mumwe munhu akawapo.
9Haufaniri kudyara mbeu dzamarudzi maviri pamunda wako wemizambiringa, kuti zvibereko zvose zvirege kutsaurirwa nzvimbo tsvene, idzo mbeu dzawadyara, nezvibereko zvomunda wemizambiringa.
10“Usarima nenzombe nembongoro zvakasungwa pamwechete.
11Usafuka nguo dzakarukwa nezvinhu zvakavhenganiswa, mvere pamwechete nomucheka.
12Unofanira kuzviitira masa pamiromo mina yenguo yako yaunozvifukidza nayo.
Mukadzi wakachinya13“Kana munhu akawana mukadzi, akapinda kwaari, akazomuvenga,
14akamupomera zvinonyadza, nokutaura zvakaipa pamusoro pake, achiti, ‘Ndakawana mukadzi uyu, asi ndakati ndichiswedera kwaari, handina kuwana zviratidzo zvoumhandara hwake kwaari’;
15zvino baba vomusikana namai vake vanofanira kuenda nezviratidzo zvoumhandara hwake kuvakuru veguta pasuwo;
16zvino baba vomusikana vanofanira kuti kuvakuru, ‘Ndakapa murume uyu mwanasikana wangu, kuti ave mukadzi wake, asi zvino womuvenga;
17tarirai, wamupomera zvinhu zvinonyadza,’ achiti, ‘Handina kuwana zviratidzo zvoumhandara kumwanasikana wako; asi hezvi zviratidzo zvoumhandara hwomwanasikana wangu.’ Zvino vanofanira kuwarira nguo pamberi pavakuru veguta.
18Ipapo vakuru veguta iro vanofanira kubata murume uyo, vamurove;
19nokumuripisa mashekeri esirivha ane zana, vagoapa baba vomusikana, nokuti wakataura zvakaipa pamusoro pomusikana waIsiraeri; zvino iye anofanira kuva mukadzi wake, haangamurashi mazuva ake ose.
20“Asi kana riri shoko rezvokwadi, kuti zviratidzo zvoumhandara zvakashaikwa kumusikana,
21vanofanira kubudisira musikana kumukova weimba yababa vake, varume veguta rake vagomutaka namabwe, afe; nokuti wakaita sebenzi pakati paIsiraeri, pakupata kwake paimba yababa vake; saizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
22“Kana murume akawanikwa achivata nomukadzi wakawanikwa nomurume wake, ivavo vose vanofanira kuurayiwa, murume wakavata nomukadzi naiye mukadziwo; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsiraeri.
23“Kana kuno musikana, ichiri mhandara, wakapfimba nomurume, mumwe murume akamuwana muguta, akavata naye;
24ipapo munofanira kuvabudisa vose vari vaviri pasuwo reguta, mugovataka namabwe, vafe, musikana nokuti haana kuridza mhere, ari muguta hake, uye murume, nokuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
25“Asi kana murume akawana musikana uyo wakapfimbwa ari kusango, murume akaita simba naye, akavata naye, iye murume wakavata naye anofanira kufa, iye oga;
26asi musikana haufaniri kumuita chinhu; musikana haana kuita chivi chinofanirwa norufu; nokuti shoko iri rakafanana neromurume wakamukira wokwake akamuuraya;
27nokuti wakamuwana kusango, musikana wakapfimbwa akaridza mhere, asi kwakanga kusino munhu wokumurwira.
28“Kana murume akawana musikana, ichiri mhandara, ugere kupfimbwa, akaita simba naye, akavata naye, vakaonekwa;
29ipapo murume wakavata naye anofanira kupa baba vake mashekeri ana makumi mashanu esirivha, zvino iye unofanira kuva mukadzi wake, nokuti wamunyadzisa; haafaniri kuzomurasha paupenyu hwake hwose.
30“Murume haafaniri kutora mukadzi wababa vake, haafaniri kufukura nhere yababa vake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.