Mapisarema 75 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Rwiyo rwokuvonga MwariKumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weAritasheti. Pisarema raAsafi. Rwiyo.

1Tinokuvongai, Mwari;

Tinovonga, nokuti zita renyu riri pedyo;

Vanhu vanoparidza mabasa enyu anoshamisa.

2“Kana ndichiwana nguva yakafanira,

Ndichatonga zvakarurama.

3Pasi pose panyauka navose vagerepo;

Ndini ndakamisa mbiru dzayo.

4Ndakati kuna vana manyawi,

‘Regai kuita namanyawi;’

Nokuna vakaipa,

‘Regai kusimudza runyanga.’

5Regai kusimudza runyanga rwenyu kudenga;

Regai kutaura nomutsipa mukukutu.”

6Nokuti kunyangwe kumabudazuva, kana kumavirira,

Kana kurenje, hakuzi ikoko kunobva kukudzwa.

7Asi Mwari ndiye mutongi;

Anoninipisa mumwe achikudza mumwe.

8Nokuti muruoko rwaJehovha

muno mukombe, newaini inopupuma;

Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri;

Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika

vachasvina masese awo, nokuanwa.

9Asi ini ndichaparidza nokusingaperi,

Ndichaimbira Mwari waJakobho nziyo dzokurumbidza.

10Nyanga dzose dzavakaipa ndichadzigura;

Asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzwa.

Kumutungamiriri wokuimba; nemitengeranwa. Pisarema raAsafi. Rwiyo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help