1Jesu akati aberekwa muBhetirehemu reJudhiya, pamazuva amambo Herodhi, tarira, vachenjeri vakasvika Jerusaremu vachibva mabvazuva,
2vakati, “Aripiko Mambo wavaJudha akazvarwa? Nokuti takaona nyenyedzi yake kumabvazuva, tauya kuzomupfugamira.”
3Mambo Herodhi akati achizvinzwa, akatambudzika kwazvo, neJerusaremu rose naye.
4Akakokera vapristi vakuru vose navanyori pakati pevanhu, akavabvunza kuti, “Kristu uchaberekerwepi.”
5Vakati kwaari, “MuBhetirehemu reJudhiya; nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita, zvichinzi;
6‘Newe Bhetirehemu, nyika yeJudhiya,
Hausi muduku kwazvo kuvabati vaJudha;
Nokuti mauri muchabuda Mutungamiriri,
Achafudza vanhu vangu VaIsiraeri.’ ”
7Zvino Herodhi akadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakaonekwa nyenyedzi navo,
8akavatuma Bhetirehemu, akati, “Endai munatsobvunzisisa zvomwana; kana mamuwana, mundiudze, kuti neniwo ndiuye kuzomupfugamirawo.”
9Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyenyedzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga muno mwana.
10Vakati vaona nyenyedzi, vakafara nomufaro mukuru–kuru.
11Vakapinda mumba, vakawana mwana naMaria mai vake; vakawira pasi, vakamupfugamira; vakasunungura mabutwa avo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura.
12Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kuna Herodhi, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.
Kutizira Ijipiti nokuurayiwa kwavana13Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota, achiti, “Simuka, utore mwana namai vake, utizire Ijipiti, ugareko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhi achatsvaka mwana kuti amuuraye.”
14Akasimuka, akatora mwana namai vake usiku, akaenda Ijipiti,
15akagarako kusvikira Herodhi afa, kuti zviitike zvakarehwa naIshe nomuromo womuporofita, achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.”
16Zvino Herodhi, akati aona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo–kwazvo; akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose vaiva muBhetirehemu munyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri.
17Zvikaitika zvakarehwa nomuporofita Jeremiya achiti,
18“Izwi rakanzwika muRama,
Rokuchema nokurira kukuru;
Racheri achichema vana vake,
Asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.”
Kudzoka vachibva Ijipiti19Herodhi akati afa, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota muIjipiti,
20akati, “Simuka, utore mwana namai vake, uende kunyika yaIsiraeri, nokuti vaitsvaka kuuraya mwana vakafa.”
21Akasimuka, ndokutora mwana namai vake, akasvika kunyika yaIsiraeri.
22Asi, akati achinzwa kuti Akerasi wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako; akanyeverwa mukurota, akaenda kumativi enyika yeGareriya;
23akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti zvakarehwa navaporofita zviitike, kuti achanzi muNazareta.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.