1Zvakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, zvaakaona pamusoro paJudha neJerusaremu, pamazuva aUziya, naJotamu, naAhazi, naHezekiya, madzimambo avaJudha.
2Inzwa denga rose, teerera iwe nyika, nokuti Jehovha akataura, achiti, “Ndakarera nokukurisa vana, asi vakandimukira.
3Nzombe inoziva muridzi wayo, nembongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo; asi VaIsiraeri havazivi, vanhu vangu havarangariri.”
4Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha, vakashora Mutsvene waIsiraeri, vadzokera shure.
5Munoda kugara muchiroverweiko, zvamunongoramba muchimukira Jehovha? Musoro wose unorwadza, nomwoyo wose waziya.
6Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri; asi maronda, napakakuvara, namavanga matsva, haana kusvinwa, haana kuputirwa, kana kunyoreveswa namafuta.
7Nyika yenyu yaparadzwa, maguta enyu apiswa nomoto, nyika yenyu yopedzwa navatorwa imi muripo, yaparadzwa, sezvinoparadza vatorwa.
8Mukunda weZioni wasiyiwa sedumba mumunda wemizambiringa, sechirindo mumunda wamagaka, seguta rakakombwa nehondo.
9Dai Jehovha wehondo asina kutisiyira vakasara vashoma–shoma, tingadai takafanana neSodhoma, takaita seGomora.
10Inzwai shoko raJehovha, imi vabati veSodhoma; teererai murairo waMwari wedu, imi vanhu veGomora.
11Zvanzi naJehovha, “Zvibairo zvenyu zvizhinji zvinondibatsirei? Ndagutisa zvipiriso zvenyu zvinopiswa zvamakondobwe, namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwayana, kana renhongo.
12Kana muchiuya kuzondiona, ndianiko anoreva izvozvo pamaoko enyu, kuti mutsike mavazhe angu?
13Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara kwomwedzi nedzamaSabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyangwe neungano tsvene.
14“Nguva dzenyu dzokugara kwomwedzi nemitambo yenyu zvinovengwa nomweya wangu; zvinondinetsa; ndaneta nokutambudzika nazvo.
15“Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa
16Shambai; muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa;
17dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.”
18“Chiuyai zvino, titaurirane, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyangwe zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyangwe zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.
19“Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika;
20asi kana muchiramba, muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo; nokuti muromo waJehovha akataura izvozvo.”
21Haiwa, guta rakatendeka rashanduka chifeve sei! Iro rakanga rizere noruenzaniso! Kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara vaurayi.
22Sirivha yako ava marara, waini yako yakavhenganiswa nemvura.
23Machinda ako akamukira Jehovha, ishamwari dzembavha; mumwe nomumwe anoda fufuro, anovinga mibairo; havaruramisiri nherera, mhaka yechirikadzi haitambwi navo.
24Saka zvanzi naShe, Jehovha wehondo, iye Wamasimba waVaIsiraeri, “Ndichapedza shungu dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, ndichazvitsivira pamusoro pavavengi vangu;
25ndichatambanudza ruoko rwangu kwauri, ndinatse chose marara ako, ndichabvisa tini yako.
26“Ndichadzosera vatongi vako vave sapakutanga, namakurukota ako sapakutanga; shure kwaizvozvo uchanzi Guta rokururama, musha wakatendeka.”
27Zioni richadzikinurwa nokururamiswa, navanodzoka mariri nokururama.
28Asi vadariki navatadzi vachaparadzwa pamwechete, vanosiya Jehovha, vachapedzwa.
29Nokuti vachanyadziswa pamusoro pemiti yemiouki yamaifarira, muchava nenyadzi pamusoro peminda yamakasanangura.
30Nokuti muchava somouki wasvava mashizha, uye somunda usine mvura.
31Ane simba achava setambo, nebasa rake sesasaradzi dzomoto; zvose zviviri zvichatsva pamwechete, hakuna angazvidzimura.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.