1Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJodhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti–eri;
2ndokubva Bheti–eri kusvikira paRuzi, ndokupfuura napamuganhu waVaArikiti kusvikira paAtaroti;
3ndokuburukira kumavirazuva kumuganhu wavaJafereti, kusvikira Gezeru, ndokuguma pagungwa.
4Vana vaJosefa, Manase naEfuremu, vakatora nhaka yavo.
5Muganhu wavana vaEfuremu nemhuri dzavo ndiwo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva wakanga uri Ataroti–adhari, kusvikira paBheti–horoni kumusoro;
6zvino muganhu ndokuenda kumavirazuva paMikimetati kumusoro; zvino muganhu ndokudzoka kumabvazuva kusvikira paTanati–shiro, ndokupfuura ipapo kurutivi rwamabvazuva eJanoa;
7ndokubva paJanoa, ndokuburukira Ataroti, neNaara, ndokusvika paJeriko, ndokuguma paJodhani.
8Kubva paTapua muganhu wakaenda kumavirazuva, kusvikira parukova Kana, ndokuguma pagungwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaEfuremu nemhuri dzavo;
9pamwechete namaguta akanga akakamurirwa vana vaEfuremu pakati penhaka yavana vaManase, maguta ose nemisha yawo.
10Havana kudzinga VaKenani vakanga vagere Gezeru; asi VaKenani vakagara pakati pavaEfuremu kusvikira nhasi; vakava vabati vechibharo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.