1Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.
2Akati,
“Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu,
Akandipindura;
Ndakadana ndiri mudumbu reSheori,
Imi mukanzwa izwi rangu.
3Nokuti makandikandira makadzika,
mukati momwoyo wegungwa,
Mvura zhinji yakanga yandikomberedza;
Mafungu enyu namapoporodzi
enyu akapfuura napamusoro pangu.
4Ndikati, ‘Ndarashwa, hamuchandioni;’
Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene.
5Mvura zhinji yakandikomberedza,
kusvikira kumweya wangu;
Pakadzika pakanga pandipoteredza;
Maharanga akanga amonera musoro wangu.
6Ndakaburukira kumavambiso amakomo;
Nyika nezvipfigiso zvayo
zvakandipfigiramo nokusingaperi;
kunyangwe zvakadaro makabudisa
upenyu hwangu pagomba, imi,
Jehovha Mwari wangu.
7Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu,
ndikarangarira Jehovha;
Munyengetero wangu ukapinda
kwamuri muTemberi yenyu tsvene.
8Vanorangarira zvisina maturo zvenhema
Vanorasha nyasha yavo.
9Asi ndichakubairai nezwi rokuvonga;
Ndicharipa zvandapika.
Ruponeso runobva kuna Jehovha.”
10Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.