Jona 2 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jona anonyengetera ari mukati mehove

1Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.

2Akati,

“Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu,

Akandipindura;

Ndakadana ndiri mudumbu reSheori,

Imi mukanzwa izwi rangu.

3Nokuti makandikandira makadzika,

mukati momwoyo wegungwa,

Mvura zhinji yakanga yandikomberedza;

Mafungu enyu namapoporodzi

enyu akapfuura napamusoro pangu.

4Ndikati, ‘Ndarashwa, hamuchandioni;’

Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene.

5Mvura zhinji yakandikomberedza,

kusvikira kumweya wangu;

Pakadzika pakanga pandipoteredza;

Maharanga akanga amonera musoro wangu.

6Ndakaburukira kumavambiso amakomo;

Nyika nezvipfigiso zvayo

zvakandipfigiramo nokusingaperi;

kunyangwe zvakadaro makabudisa

upenyu hwangu pagomba, imi,

Jehovha Mwari wangu.

7Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu,

ndikarangarira Jehovha;

Munyengetero wangu ukapinda

kwamuri muTemberi yenyu tsvene.

8Vanorangarira zvisina maturo zvenhema

Vanorasha nyasha yavo.

9Asi ndichakubairai nezwi rokuvonga;

Ndicharipa zvandapika.

Ruponeso runobva kuna Jehovha.”

10Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help