1 Madzimambo 5 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Soromoni anogadzira zvose kuti temberi ivakwe

1Zvino Hiramu mambo weTaya, wakatumira varanda vake kuna Soromoni, nokuti wakanga anzwa kuti vakamuzodza ave mambo panzvimbo yababa vake; nokuti Hiramu wakanga achida Dhavhidhi nguva yose.

2Soromoni akatuma nhume kuna Hiramu akati,

3“Munoziva kuti Dhavhidhi baba vangu, vakanga vasingagoni kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba, nokuda kwehondo dzairwiwa kumativi ose, kusvikira Jehovha avaisa pasi petsoka dzake.

4Asi zvino Jehovha Mwari wangu wakandizorodza kumativi ose, hakuna muvengi kana chimwe chinhu chakaipa.

5Zvino tarirai, mwoyo wangu unoda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba, sezvakataurwa naJehovha kuna baba vangu, achiti, ‘Mwanakomana wako, wandichagadza pachigaro chako choushe panzvimbo yako, ndiye uchavakira zita rangu imba.’

6Naizvozvo zvino, chirairai kuti vanditemere miti yemisidhari paRebhanoni; varanda vangu vachabata pamwechete navaranda venyu; ini ndichakupai mubairo wavaranda venyu sezvamuchareva; nokuti munoziva kuti pakati pedu hapana munhu unoziva kutema matanda ungafanana navaZidhoni.”

7Zvino Hiramu wakati achinzwa mashoko aSoromoni, akafara kwazvo, akati, “Nhasi Jehovha ngaavongwe, iye wakapa Dhavhidhi mwanakomana wakangwara kuzobata vanhu ava vazhinji.”

8Ipapo Hiramu akatuma nhume kuna Soromoni, akati, “Ndanzwa shoko ramatuma kwandiri; ndichaita zvose zvamunoda pamusoro pamatanda emisidhari, namatanda emisipiresi.

9Varanda vangu vachaaburuswa paRebhanoni vachiaisa kugungwa; ndichaabatanidza aende negungwa sezvamuchandiraira, ndicharaira kuti asunungurwe ipapo, muagamuchire; imi mugoita sezvandinoda, muchipa vanhu veimba yangu zvokudya.”

10Naizvozvo Hiramu akapa Soromoni matanda emisidhari namatanda emisipiresi, zvose sezvaaida.

11Soromoni akapawo Hiramu zviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvezviyo zvive zvokudya zvavanhu veimba yake; nezviyero zvina makumi maviri zvamafuta akasvinwa; Soromoni akapa Hiramu saizvozvo gore rimwe nerimwe.

12Jehovha akapa Soromoni kungwara, sezvaakamupikira; Hiramu naSoromoni vainzwana, ivo vaviri vakaita sungano.

13Mambo Soromoni akadana vanhu vechibharo pakati paVaIsiraeri vose; vanhu vechibharo vaiva zviuru zvina makumi matatu.

14Akavatumira Rebhanoni, mwedzi mumwe nomumwe zviuru zvine gumi, vachiravana; vaiva paRebhanoni mwedzi mumwe, nokumusha mwedzi miviri; Adhoniramu ndiye waitungamirira vanhu vechibharo.

15Uye Soromoni wakanga ana vatakuri vemitoro vane zviuru zvina makumi manomwe, navatemi vamatanda pamakomo vane zviuru zvina makumi masere;

16vatariri vakuru vaSoromoni, vaitungamirira basa, vasingaverengwe, ivo vaiva nezviuru zvitatu namazana matatu, vaitungamirira vanhu kuti vabate basa.

17Mambo akaraira, vakaputsa mabwe makuru, mabwe aikosha, kuti varonge nheyo dzeimba namabwe akavezwa.

18Vavaki vaSoromoni navavaki vaHiramu navaGhebhari vakaaveza, vakagadzira matanda namabwe okuzovaka imba.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help