Joshua 21 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

VaRevhi vanopiwa maguta avo

1Zvino vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi vakaswedera kumupristi Eriazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana VaIsiraeri,

2vakataura navo paShiro panyika yeKenani, vakati, “Jehovha wakaraira nomuromo waMosesi, kuti tipiwe maguta matingagara, namafuro awo emombe dzedu.”

3Vana VaIsiraeri vakapa vaRevhi panhaka dzavo maguta awa namafuro awo, sezvavakanga varairwa naJehovha.

4Mhuri dzavaKohati dzikagoverwa nemijenya; vana vomupristi Aroni vaiva vavaRevhi vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pakati porudzi rwaJudha, norwaSimioni, norwaBhenjamini.

5Asi vamwe vevana vaKohati vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi pakati pemhuri dzorudzi rwaEfuremu, norudzi rwaDhani, nehafu yorudzi rwaManase.

6Vana vaGerishoni vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pamhuri dzorudzi rwaIsakari, norudzi rwaAshuru, norudzi rwaNafutari, nehafu yorudzi rwaManase muBhashani.

7Vana vaMerari nemhuri dzavo vakapiwa maguta ane gumi namaviri pakati porudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi, norudzi rwaZebhuruni.

8Vana VaIsiraeri vakapa vaRevhi maguta iwayo namafuro awo nemijenya, sezvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMosesi.

9Vakavapa maguta iwayo, akarehwa mazita awo pano, pakati porudzi rwavana vaJudha, norudzi rwavana vaSimioni.

10Akava avana vaAroni, vemhuri dzavaKohati, vaiva vana vaRevhi, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa nemijenya.

11Vakavapa Kiriati–abha, iye Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni), panyika yamakomo yaJudha, namafuro aro akanga akaripoteredza.

12Asi minda yeguta, nemisha yaro, vakazvipa Karebhu mwanakomana waJefune, zvive zvake.

13Vakapa vana vomupristi Aroni Hebhuroni namafuro aro, rakanga riri guta routiziro romuurayi, uye Ribhina namafuro aro,

14neJatiri namafuro aro, neEshitemoa namafuro aro,

15neHoroni namafuro aro, neDhebhiri namafuro aro,

16neAini namafuro aro, neJuta namafuro aro, neBheti–shemeshi namafuro aro; maguta mapfumbamwe pakati pamarudzi iwayo maviri.

17Napakati porudzi rwaBhenjamini Gibheoni namafuro aro, neGebha namafuro aro,

18neAnatoti namafuro aro, neArinoni namafuro aro; maguta mana.

19Maguta ose avana vaAroni mupristi akanga ari maguta ane gumi namatanhatu namafuro awo.

20Mhuri dzavana vaKohati, ivo vaRevhi vakanga vasara vevana vaKohati, vakapiwa maguta avo nemijenya pakati porudzi rwaEfuremu.

21Vakavapa Shekemu namafuro aro panyika yamakomo yaEfuremu, raiva guta routiziro romuurayi, neGezeru namafuro aro,

22neKibhizaimi namafuro aro, neBheti–horoni namafuro aro; maguta mana.

23Napakati porudzi rwaDhani, Eriteki namafuro aro, neGebhitoni namafuro aro,

24neAijaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta mana.

25Napakati pehafu yorudzi rwaManase, Taanaki namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta maviri.

26Maguta ose emhuri dzavakanga vasara vevana vaKohati aiva gumi namafuro awo.

27Vana vaGerishoni, vemhuri dzavaRevhi, vakavapa Gorani namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, pakati pehafu yorudzi rwaManase, neBhesheitera namafuro aro; maguta maviri.

28Napakati porudzi rwaIsakari, Kishioni namafuro aro, neDhabherati namafuro aro,

29neJarimuti namafuro aro, neEni–ganimi namafuro aro; maguta mana.

30Napakati porudzi rwaAshuru, Mishari namafuro aro, neAbhidhoni namafuro aro,

31neHerikati namafuro aro, neRehobhu namafuro aro; maguta mana.

32Napakati porudzi rwaNafutari, Kedheshi muGareriya namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neHamoti–dhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro; maguta matatu.

33Maguta ose avaGerishoni, nemhuri dzavo, akanga ari maguta ane gumi namatatu namafuro awo.

34Mhuri dzavana vaMerari, ivo vakanga vasara kuvaRevhi, vakavapa pakati porudzi rwaZebhuruni, Jokineamu namafuro aro, neKatira namafuro aro,

35neDhimuna namafuro aro, neNaharari namafuro aro; maguta mana.

36Napakati porudzi rwaRubheni, Bhezeru namafuro aro, neJahazi namafuro aro,

37neKedhemoti namafuro aro, neMofaati namafuro aro; maguta mana.

38Napakati porudzi rwaGadhi, Ramoti-gireyadhi namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neMahanaimu namafuro aro,

39neHeshibhoni namafuro aro, neJazeri namafuro aro; iwo ose maguta mana.

40Maguta awa ose akanga ari avana vaMerari, nemhuri dzavo, ivo vakanga vasara vemhuri dzavaRevhi; mugove wavo wakanga uri maguta ane gumi namaviri.

41Maguta ose avaRevhi pakati penhaka yavana VaIsiraeri aiva maguta ana makumi mana namasere namafuro awo.

42Maguta awa ose akanga ana mafuro awo, guta rimwe nerimwe; ndizvo zvakanga zvakaita maguta iwayo ose.

43Saizvozvo Jehovha akapa VaIsiraeri nyika yose yaakanga apika, kuti uchaipa madzibaba avo; ikava yavo, vakagaramo.

44Jehovha akavazorodza kumativi ose, pose paakanga apikira madzibaba avo; hakuna munhu kuvavengi vavo vose wakamira pamberi pavo; asi Jehovha akaisa vavengi vavo vose pamaoko avo.

45Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha kuimba yaIsiraeri chakakona; zvose zvakaitika.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help