1Jehovha, imi Mwari mutsivi,
Imi Mwari mutsivi, penyai.
2Zvisimudzei, imi Mutongi wenyika;
Ipai vanozvikudza sezvavakafanira.
3Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhiko,
Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhi?
4Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza,
Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi.
5Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha,
Vachitambudza nhaka yenyu.
6Vanouraya chirikadzi nomweni,
Nenherera vanodziuraya.
7Vachiti, “Jehovha haazvioni,
Mwari waJakobho haazvirangariri.”
8Rangarirai imi vasina njere pakati pavanhu;
Nemi mapenzi, muchava vakachenjera rinhiko?
9Iye, akasima nzeve, haanganzwi here?
Iye, akaumba ziso, haangaoni here?
10Iye, anoranga vahedheni, haangarairi here?
Iye, anodzidzisa vanhu zivo?
11Jehovha anoziva kufunga kwavanhu,
Kuti hazvina maturo.
12Akaropafadzwa munhu, anorangwa nemi, Jehovha,
Iye wamunodzidzisa pamurairo wenyu;
13Kuti mumuzorodzei pamazuva okutambudzika,
Kusvikira vakaipa vachererwa gomba.
14Nokuti Jehovha haangarashi vanhu vake,
Uye haangasiyi nhaka yake.
15Nokuti kutonga kuchadzokera kukururama;
Vose vane mwoyo yakarurama vachakutevera.
16Ndianiko achandirwira pavaiti vezvakaipa?
Ndianiko achandibatsira pana vanoita zvakaipa?
17Dai Jehovha aisava mubatsiri wangu,
Mweya wangu ungadai wakakurumidza
kugara pakati mwii.
18Panguva yandakati,
“Rutsoka rwangu rwotedzemuka;”
Ngoni dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira.
19Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu
Kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.
20Chigaro chezvakaipa chingashamwaridzana nemi here,
Icho chinofunga kuita zvakashata nemitemo yacho?
21Vanounganira upenyu hwowakarurama,
Vachipa mhosva ropa risina mhosva.
22Asi Jehovha ndiye nhare yangu yakasimba;
Mwari wangu idombo routiziro hwangu.
23Achadzosera pamusoro pavo kutadza kwavo,
Achavaparadza pakati pokuita kwavo;
Jehovha Mwari wedu achavaparadza.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.