1Nokuti Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi, achasanangura Isaraeri nokuvagadza munyika yavo; mutorwa achandogara navo, vachanamatira imba yaJakobho.
2Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yaVaIsiraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza.
3Zvino nezuva iro kana Jehovha achikuzorodza pakuchema kwako napakutambudzika kwako, napakubata kwako kunorema kwawakabatiswa nako,
4uchaimba rwiyo urwu pamusoro pamambo weBhabhironi, uchiti, “Haiwa mumanikidzi wapera sei! Kutambudzika kwapera sei!
5Jehovha avhuna mudonzvo wowakaipa, netsvimbo youshe yavabati.
6“Iye airova marudzi avanhu nehasha nokurova kusingaperi, aibata ndudzi dzavanhu nokutambudza kusina kudzorwa nomunhu.
7Nyika yose yozorora, yanyarara; vanofara nokuimba.
8Zvirokwazvo miti yemisipiresi inofara nokuda kwako, nemisidhari yeRebhanoni, ichiti, ‘Chinguva chawaparadzwa, hapano mutemi anokwira kutitema.’
9“Sheori pasi rine nyongano pamusoro pako kuzosangana newe pakuuya kwako; rinokumutsira vakafa, ivo vose vaiva vakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi avanhu pazvigaro zvavo zvoushe.
10Ivo vose vachapindura, vachiti kwauri, ‘Newe wava usina simba sesu kanhi? Iwe wafanana nesu kanhi?’
11“Kuzvikudza kwako kwaderedzwa kusvikira paSheori, nokurira kwoudimbwa hwako; honye dziri pasi pako, nehonye dzinokufukidza.
12“Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase, iwe mwanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi!
13Iwe wakati mumwoyo mako, ‘Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyenyedzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano, pamigumo yamativi okumusoro;
14ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa noWokumusoro–soro.’
15Kunyangwe zvakadaro uchaderedzwa kusvikira paSheori, kusvikira pakadzika pegomba.
16“Vanokuona vachakucherechedza, vachakutarira, vachiti, ‘Ko uyu ndiye munhu aidederesa nyika, aizunungusa ushe;
17aishandura nyika ifanane nerenje, aiparadza maguta ayo, airamba kusunungura vasungwa vake vaende kumusha here?’
18“Madzimambo ose amarudzi, iwo ose, anovata achikudzwa, mumwe nomumwe paimba yake.
19Asi iwe waraswa kure nohwiro hwako, sedavi rinonyangadza, wafukidzwa navakaurayiwa, vakabayiwa nomunondo, vanoburukira kumabwe egomba, somutumbi watsikwa netsoka.
20Haungavigwi pamwechete navo, nokuti wakaparadza nyika yako, vakauraya vanhu vako; vana vavakaipa havangarehwi nokusingaperi.
21Gadzirirai vana vake pavangaurayiwa nokuda kwokushata kwamadzibaba avo; varege kuzomuka, vagare nhaka yenyika, vazadze pasi pose namaguta.”
22Zvanzi naJehovha wehondo, “Ndichavamukira, ndichatorera Bhabhironi zita navakasara, navana, navana vevana, ndizvo zvinotaura Jehovha.
23Ndichariita nzvimbo inogarwa nenhungu, uye madziva emvura; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”
Chirevo pamusoro pavaAsiria24Jehovha wehondo akapika, achiti, “Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.
25Kuti ndichavhuna muAsiria munyika yangu, ndichamutsika netsoka dzangu pamakomo angu; nenguva iyo joko rake richabva kwavari, nomutoro wake uchabva pamafudzi avo.”
26Ndicho chirevo chakatemerwa nyika yose; ndirwo ruoko rwakatambanudzwa pamusoro pamarudzi ose.
27Nokuti Jehovha wehondo wakatema chirevo, ndiani angapindurazve? Ruoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani angarudzosa.
Chirevo pamusoro pavaFirisitia28Negore rokufa kwamambo Ahazi chirevo ichi chakarehwa.
29“Iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose, usafara zvako nokuti shamhu yakanga yakurova yavhunika; nokuti pamudzi wenyoka pachabuda mvumbi, chibereko chayo chichava nyoka yomoto inoburuka.
30Matangwe avarombo achadya, navanoshayiwa vachavata pasi vakafara; ndichauraya mudzi wako nenzara, vakasara vako vachaurayiwa.
31“Chema, iwe suwo; danidzira, iwe guta; wanyauka, iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose; nokuti kurutivi rwokumusoro kunobva utsi, hapana anotiza pahondo dzake.”
32Zvino nhume dzorudzi urwu vachadzipindurei? Kuti, “Jehovha akavamba Zioni, vanotambudzika navanhu vake vachavandiramo.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.