1 VaKorinde 1 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kwaziso nokuvonga

1Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositene, hama yedu,

2kuchechi yaMwari iri muKorinde, kuna vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu, vakadanwa kuti vave vatsvene pamwechete navose vanodana pose pose zita raJesu Kristu Ishe wedu, wavo nowedu.

3Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu.

4Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, pamusoro penyasha dzaMwari dzamakapiwa muna Kristu Jesu;

5kuti makapfumiswa pazvose maari, pakutaura kwose, napakuziva kwose;

6nokudaro uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri;

7kuti hamushayiwi chipo chimwe; muchimirira kuratidzwa kwaIshe wedu, Jesu Kristu;

8achakusimbisai kusvikira pakuguma, muve vasingapomerwi mhosva pazuva raIshe Jesu Kristu.

9Mwari ndiye akatendeka, wamakadanwa naye kuyanana noMwanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe wedu.

Kupesana pachechi paKorinde

10Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raIshe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musanganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.

11Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navarwi vokwaKirowe, kuti kune gakava pakati penyu.

12Zvandinoreva ndizvokuti, mumwe nomumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” “Ini waAporo,” “Ini waKefasi,” “Ini waKristu.”

13Ko Kristu akaparadzaniswa here? Ko Pauro akaroverwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Ko makabhabhatidzwa muzita raPauro here?

14Ndinovonga Mwari, kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, asi Kirisipo naGayo;

15kuti kurege kuva nomunhu angati, makabhabhatidzwa muzita rangu.

16Ndakabhabhatidzawo veimba yaSitefana; asi vamwe, handizivi kana ndakabhabhatidza mumwe.

17Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze Vhangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKristu urege kukoneswa.

Uchenjeri hwaMwari nouchenjeri hwenyika

18Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMwari.

19Nokuti kwakanyorwa kuchinzi,

“Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera,

Ndichakonesa kuziva kwavanoziva.”

20Akachenjera aripiko? Munyori aripiko? Muiti wenharo wenyika ino aripiko? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika huve upenzi here?

21Nokuti nouchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayo zvaisina kuziva Mwari, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese noupenzi hwokuparidza.

22Nokuti vaJudha vanokumbira zviratidzo, navaGiriki vanotsvaka uchenjeri;

23asi isu tinoparidza Kristu, akaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuVaJudha, noupenzi kuvahedheni;

24asi kuna vakadanwa, vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari, nouchenjeri hwaMwari.

25Nokuti upenzi hwaMwari hunopfuura vanhu nouchenjeri; noutera hwaMwari hunopfuura vanhu pasimba.

26Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havazi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa;

27asi Mwari akatsaura zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise izvo zvine simba;

28Mwari akatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, nezvinoshorwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise zviripo simba razvo,

29kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi paMwari.

30Asi naye muri muna Kristu Jesu, iye akatiitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nokururama, noutsvene, norudzikinuro.

31Kuti anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe, sezvazvakanyorwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help