1Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.’
2Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya;
3rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhoo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya;
4matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose.”
5Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.’ ”
6Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, matatya akakwira, akafukidza nyika yeIjipiti.
7N'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.
8Zvino Farao akadana Mosesi naAroni, akati, “Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha.”
9Mosesi akati kuna Farao, “Imi mukudzwe kupfuura ini! Ndokunyengetererai nguva ipi, imi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi bedzi?”
10Iye akati, “Mangwana.” Akati, “Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu.
11Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi bedzi.”
12Mosesi naAroni vakabuda muna Farao, Mosesi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao.
13Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMosesi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa.
14Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa.
15Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa mwoyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Dambudziko rechitatu: Utunga16Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyika yeIjipiti.’ ”
17Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yose yeIjipiti.
18N'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo.
19Zvino n'anga dzakati kuna Farao, “Munwe waMwari”; asi mwoyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Dambudziko rechina: Nhunzi20Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’
21Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzaVaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyangwe nevhu padzimire.
22Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose.
23Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana.”
24Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru–kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeIjipiti; nyika ikaodzwa namapute enhunzi.
25Zvino Farao akadana Mosesi naAroni, akati, “Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino.”
26Mosesi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibairo zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here?
27Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira.”
28Farao akati, “Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure–kure. Ndinyengetererei.”
29Mosesi akati, “Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.”
30Ipapo Mosesi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha.
31Jehovha akaita sezvakakumbira Mosesi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyangwe neimwe.
32Asi Farao akaomesa mwoyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.