1Zvino Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi,
2akati kwavari, “Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here?” Vakati kwaari, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene aripo.”
3Akati, “Ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rupiko?” Vakati, “Norubhabhatidzo rwaJohani.”
4Zvino Pauro akati, “Johani akabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwokutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anozouya shure kwake, iye Jesu.”
5Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
6Zvino Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita.
7Ivavo vose vaiva varume vanenge gumi navaviri.
8Zvino akapinda musinagoge, akataura asingatyi mwedzi mitatu, achitaurirana navo, achivagombedzera namashoko oushe hwaMwari.
9Asi vamwe vakati vachiomesa mwoyo, vasingateereri, vachizvidza Nzira iyo pamberi pavazhinji, akabva kwavari, akatsaura vadzidzi, akataurirana navo zuva rimwe nerimwe muchikoro chaTirano.
10Izvozvo zvikaitwa makore maviri; nokudaro vose vakanga vagere paEzhia vakanzwa shoko raIshe, vaJudha navaGiriki.
11NaMwari akaita masimba anoshamisa namaoko aPauro,
12nokudaro micheka nenguo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, zvirwere zvikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda.
13Zvino vamwe vaJudha, vauki, vaipota–pota, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pavaiva nemweya yakaipa, vachiti, “Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.”
14Vaiva vanakomana vanomwe vomumwe muJudha, ainzi Sikeva, Mupristi Mukuru, vaiita izvozvo.
15Mweya wakaipa ukapindura, ukati kwavari, “Jesu ndinomuziva, naPauro ndinomuziva, asi imi ndimi vanaaniko?”
16Ipapo munhu aiva nomweya wakaipa akavamukira simba, akavakurira vose vari vaviri, akavakunda; nokudaro vakatiza mumba imomo, vasina nguo, vakuvadzwa.
17Izvozvo zvikazikanwa navose, vaJudha navaGiriki, vakanga vagere Efeso vakatya vose, zita raIshe rikakudzwa.
18Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya, vakareurura, nokurondedzera zvamabasa avo.
19Navamwe vazhinji vaiita zveun'anga, vakaunganidza mabhuku avo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivha ane zviuru zvina makumi mashanu.
20Naizvozvo shoko raIshe rikakura nesimba, rikakunda.
21Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumwoyo make kuenda Jerusaremu, kana ambogura napaMasedhonia neAkaa, achiti, “Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundowana Romawo.”
22Zvino akatumira Masedhonia vaviri vavaimushumira, vanaTimoti naErasito, iye amene akagara Ezhia nguva duku.
Bope rakamutswa naDhemetiriyo23Zvino nenguva iyo bope guru rikavapo pamusoro peNzira iyo.
24Nokuti mumwe, ainzi Dhemetirio, mupfuri wesirivha, waiita zvitemberi zvaDhiyana zvesirivha, waifumisa zvikuru mhizha dzapo.
25Akavaunganidza ivo pamwechete navamwe vabati vezvakadaro, akati, “Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana pfuma yedu.
26Zvino munoona, nokunzwa, kuti Pauro uyu akatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paEzhia yose, achiti, zvakaitwa namaoko havazi vamwari.
27Zvino njodzi ndiyo kuti hahuzi humhizha hwedu bedzi hungazvidzwa, asi kuti temberi yamwarikadzi mukuru Dhiyana ichashorwa, naiye amene, anonamatwa paEzhia yose nenyika yose, abviswe paukuru hwake.”
28Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti, “Dhiana wavaEfeso mukuru!”
29Guta rikakanganiswa kwazvo; vakamhanyira nomwoyo mumwe panzvimbo paitambwa, vabata Gayo naArisitakusi, varume veMasedhonia, vaiperekedza Pauro.
30Zvino Pauro akada kupinda kuvanhu, vadzidzi vakasamutendera.
31Navamwe vakuru veEzhia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo paitambwa.
32Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwezve; nokuti ungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.
33Ipapo vakabudisa Arekizanda mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Arekizanda akaninira noruoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu.
34Ipapo vakati vachiona kuti iye muJudha, izwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti, “Dhiyana wavaEfeso mukuru!”
35Zvino munyori weguta akanyaradza vanhu, akati, “Varume veEfeso, munhu ndoupiko asingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiwo muchengeti wetemberi yaDhiyana mukuru nowomufananidzo akaburuka kudenga?
36Zvazvisingagoni kurambwa izvozvi, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nokusarangarira kwazvo.
37Nokuti mauya navarume ava, vasati vari mbavha dzetemberi kana vashori vamwarikadzi wedu.
38Zvino kana Dhemetirio nedzimwe mhizha naye vane mhosva nomunhu, misi yokutonga iripo, navatongi varipo; ngavakwirirane havo.
39“Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu pamusoro pedzimwe mhosva, zvingatemwa paungano yakafanira.
40Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamusoro pebope ranhasi, zvakusina mhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamusoro pemhere–mhere iyi.”
41Akati ataura izvozvo, akaendesa ungano.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.