1 Samueri 4 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

VaFirisitia vanokunda VaIsiraeri

1Shoko raSamueri rakasvika kuVaIsiraeri vose.

Zvino VaIsiraeri vakaenda kundorwa navaFirisitia, vakavaka misasa yavo pedyo neEbheniezeri; vaFirisitia vakavaka misasa yavo paAfeki.

2VaFirisitia vakazvigadzira kurwa naVaIsiraeri; zvino vakati vorwa, VaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina.

3Zvino vanhu vakati vasvika kumisasa, vakuru VaIsiraeri vakati, “Jehovha wakatirovereiko nhasi pamberi pavaFirisitia? Handei, titore areka yesungano yaJehovha paShiro, iuye pakati pedu itirwire pamaoko avavengi vedu.”

4Naizvozvo vanhu vakatuma nhume Shiro kundotorapo areka yesungano yaJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubhi; vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFiniasi, vakanga varipo paareka yesungano yaMwari.

5Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika pamisasa, VaIsiraeri vose vakapururudza nokupururudza kukuru, nyika ikaita mawungira.

6VaFirisitia vakati vachinzwa izwi rokupururudza, vakati, “Izwi iro rokupururudza, riri kumisasa yaVaHebheru rinoti kudiniko?” Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa.

7VaFirisitia vakatya, nokuti vakati, “Mwari wasvika kumisasa.” Vakati, “Tine nhamo! Nokuti chinhu chakadai hachina kumbovapo.

8Tine nhamo! Ndianiko uchatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakadeya kurova vaIjipiti namatambudziko amarudzi mazhinji murenje.

9Simbai, muite savarume, imi vaFirisitia, kuti murege kuva varanda vaVaHebheru, sezvavakanga vakaita kwamuri; itai savarume, murwe.”

10Zvino vaFirisitia vakarwa, VaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurayiwa kukuru, nokuti kuVaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo.

11Areka yaMwari ikatorwa, uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFiniasi, vakaurayiwa.

Kufa kwaEri navanakomana vake

12Zvino mumwe murume wavaBhenjamini akabva kuhondo, akamhanya, akasvika paShiro nomusi iwoyo, ane nguo dzakabvarurwa neguruva pamusoro wake.

13Pakusvika kwake, Eri wakanga agere pachigaro chake kurutivi rwenzira, akataririra, nokuti mwoyo wake wakanga uchibvunda pamusoro peareka yaMwari. Murume wakati asvika muguta, akavaudza izvozvo, vanhu vose veguta vakachema.

14Zvino Eri wakati achinzwa izwi rokuchema, akati, “Izwi rebopoto iri rinoti kudiniko?” Murume akakurumidza, akandoudza Eri.

15Zvino Eri wakanga ava namakore ana makumi mapfumbamwe namasere, meso ake akanga ava norutara, asichagoni kuona kwazvo.

16Murume akati kuna Eri, “Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo.” Akati, “Kwaitweiko, mwana wangu?”

17Zvino murume wakanga auya neshoko akapindura, akati, “VaIsiraeri vatiza pamberi pavaFirisitia; vanhu vazhinji vaurayiwa; uye vanakomana venyu vaviri, Hofini naFiniasi, vafawo; uye areka yaMwari yatorwa.”

18Zvino wakati achireva areka yaMwari, Eri akawa pachigaro negotsi kurutivi rwesuwo, akavhunika mutsipa, akafa; nokuti wakanga ava mutana, ano muviri mukobvu. Wakanga atonga VaIsiraeri makore makumi mana.

19Zvino mukadzi womwanakomana wake Finiasi, wakanga ava nemimba, oda kupona mwana; akati achinzwa kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti baba vomurume wake, nomurume wakewo, vafa vose, akapfugama, akapona mwana, nokuti wakasvikirwa nokurwadziwa kwake.

20Nenguva yokufa kwake vakanga vamirepo naye vakati, “Usatya hako, nokuti wapona mwana womukomana. Asi haana kupindura, kana kurangarira izvozvo.”

21Akatumidza mwana zita rinonzi Ikabhodhi, achiti, “Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yakanga yatorwa, uye nokuda kwababa vomurume wake, nomurume wake.”

22Akati, “Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yatorwa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help