Mapisarema 9 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anovonga nokuti Jehovha akamurwiraKumutungamiriri wokuimba; neMutirabheni. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndichavonga Jehovha nomwoyo wangu wose;

Ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa.

2Ndichafara nokukufarirai zvikuru;

Ndichaimbira zita renyu nziyo

dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro.

3Kana vavengi vangu vachidzokera shure,

Vanogumburwa nokupera pamberi penyu.

4Nokuti mandiruramisira mhosva yangu;

Makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama.

5Makatuka vahedheni, makaparadza vakaipa,

Makadzima zita ravo nokusingaperi–peri.

6Vavengi vakapera, vakaparadzwa nokusingaperi;

Makaparadza maguta avo,

Nechiyeudzo chawo chakaparara.

7Asi Jehovha agere ari mambo nokusingaperi;

Akagadzira chigaro chake choushe kuti atonge.

8Achatonga nyika nokururama,

Achatonga vanhu zvakafanira.

9Jehovha achava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa,

Nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

10Vanoziva zita renyu vachavimba nemi;

Nokuti imi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai.

11Imbirai Jehovha nziyo dzokumurumbidza,

iye agere paZioni;

dudzirai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.

12Nokuti iye, anotsiva ropa, anovarangarira;

Haakanganwi kuchema kwavarombo.

13Ndinzwirei tsitsi, Jehovha;

Tarirai, kumanikidzwa kwangu navanondivenga,

Imi munondisimudza pamisuwo yorufu;

14Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose;

Pamisuwo yomukunda weZioni,

Ndichafarira kuponesa kwenyu.

15Vahedheni vakanyura mugomba ravakachera;

Rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure, wavakavanza.

16Jehovha akazvizivisa, akatonga;

Akaipa wakateyiwa nebasa ramaoko ake.

17Vakaipa vachadzokera kuSheori,

Ivo vahedheni vose, vakakanganwa Mwari.

18Nokuti anoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi,

Nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi.

19Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda;

Vahedheni ngavatongwe pamberi penyu.

20Chivatyisai, Jehovha;

Vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help