1Pauro, mupostori, asina kubva kuvanhu, kana kutumwa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba, akamumutsa kuvakafa,
2nehama dzose dziri kwandiri, kusangano reGaratia.
3Nyasha norugare ngazvive nemi, zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu,
4akazvipa nokuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure kunyika yakaipa yazvino, nokuda kwaMwari, Baba vedu;
5ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.
Pauro anosimbisa upostori hwake6Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo akakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kune imwe Vhangeri;
7isati iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Vhangeri yaKristu.
8Asi kunyangwe isu, kana mutumwa anobva kudenga, akakuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave akatukwa.
9Sezvatakamboreva, zvino ndinorevazve saizvozvo: Kana kuno munhu anokuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neiyo yamakagamuchira, ngaave akatukwa.
10Nokuti zvino ndinoita ushamwari navanhu here, kana naMwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Kana ndaifadza vanhu nazvino, handizaiva muranda waKristu.
11Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Vhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu.
12Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu.
13Nokuti makanzwa zvomufambiro wangu kare pakunamata kwavaJudha, kuti ndaitambudza sangano yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza;
14pakunamata kwavaJudha ndaipfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu.
15Zvino Mwari, iye akanditsanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake, akati afadzwa nazvo,
16kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati pavahedheni, pakarepo; handina kurangana nenyama neropa;
17handina kukwira Jerusaremu kunaavo vakanditangira kuva vapostori, asi ndakaenda Arabhiya, ndikadzokera Dhamasikosi zve.
18Ipapo, makore matatu akati apfuura, ndikakwira Jerusaremu kundoona Kefasi, ndikagara naye mazuva ane gumi namashanu.
19Asi handina kuona mumwe wavapostori, asi Jakobho bedzi, munun'una waIshe.
20Izvi zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari, handirevi nhema.
21Ipapo ndakasvika kunyika dzeSiria neSirisia.
22Asi ndakanga ndisingazikanwi pachiso nesangano reJudhiya riri muna Kristu;
23asi vakanga vanzwa bedzi, kuti “Uya, waititambudza kare, zvino ava kuparidza kutenda kwaaiparadza kare;”
24vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.