1Jehovha panguva yaakadzosa vatapwa veZioni,
Isu takanga takafanana navanorota hope.
2Panguva iyo muromo wedu wakanga uzere nokuseka,
Norurimi rwedu nokuimba;
Ipapo pakati pavahedheni vakati,
“Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru;”
3Jehovha akatiitira zvinhu zvikuru;
Isu tinofara.
4Dzosai vatapwa vedu, Jehovha,
Sehova panyika yeNyasi.
5Vanodyara nemisodzi vachakohwa nomufaro.
6Anofamba–famba, achichema,
akatakura tsama yembeu,
achadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.