Jobho 8 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Bhiridhadhi anoraira Jobho kuti adzokere kuna Mwari, akanganwirwe zvivi zvake, sezvakaitirwa vamwe kare

1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati,

2“Ucharamba uchitaura mashoko awa kusvikira rinhiko?

3Ko Mwari angakanganisa pakutonga here?

WaMasimbaose angakanganisa zvakarurama here?”

4Kana vana vako vakanga vamutadzira iye,

Akavaisa pakudarika kwavo;

5Kana iwe ukashingaira kutsvaka Mwari,

Ukakumbira kuna waMasimbaose;

6Kana ukava akanaka, akaruruma;

Iye angadai aimuka zvino nokuda kwako,

Akafambisa zvakanaka imba yako yakarurama.

7Kunyangwe kutanga kwako kwaiva kuduku,

Asi kuguma kwako kwaiva kukuru kwazvo.

8Nokuti chidobvunza hako rudzi rwakare,

Ucherekedze zvakanzverwa namadzibaba avo.

9(Nokuti isu tiri vazuro hedu, hatizivi chinhu;

Nokuti mazuva edu panyika akafanana nomumvuri;)

10Ivo havangakudzidzisi here, nokukuudza,

Nokureva mashoko anobva pamwoyo yavo here?

11Ko nhokwe ingamera pasina nhope here?

Ko rutsanga rungamera pasina mvura here?

12Ruchiri runyoro, rusati rwatemwa,

Runosava mimwe miriwo ichigere.

13Ndizvo zvakaita nzira dzavose vanokanganwa Mwari;

Uye tariro yomunhu asingadi Mwari ichapera;

14Chaakatarira chichaputsanyiwa,

Chaakatenda chakafanana namambure edandemutande.

15Uchasendamira paimba yake, asi haingamiri;

Uchaibata, asi haingagari.

16Iye muti mutema pamushana,

Matavi ake anotandavarira pamunda wake.

17Midzi yake yakapombera patsime,

Unoona nzvimbo yorukangarabwe.

18Kana akaparadzwa panzvimbo yake,

Ichamuramba, ichiti, “Handina kukuona;”

19Tarira, ndiwo mufaro wenzira yake;

Paguruva panobuda vamwe.

20Tarira, Mwari haangarashi munhu wakarurama,

Haangabatsiri vanoita zvakaipa.

21Achazozadza hake muromo wako nokuseka,

Nemiromo yako nokupururudza.

22Vanokuvenga vachafukidza nokunyara;

Uye tende ravakaipa haringazovipo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help