VaHebheru 12 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kuranga kwaBaba

1Naizvozvo, nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa,

2tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro akaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.

3Nokuti cherechedzai uyo akatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumweya yenyu.

4Muchigere kudzivirira kusvikira ropa richibuda pakurwa kwenyu nezvivi.

5Uye makakanganwa kwazvo kurayira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti,

“Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe,

Usapera mwoyo kana uchirayirwa naye;

6Nokuti waanoda Ishe anomuranga,

Anorova zvikuru mwanakomana mumwe

nomumwe waanogamuchira.”

7Tsungai henyu mwoyo kuti murangwe; Mwari anobata imi savanakomana; nokuti ndoupi mwanakomana asingarangwi nababa?

8Asi kana musingarangwi, sezvinoitirwa vose, muri vana voupombwe, hamuzi vanakomana chaivo.

9Uyezve isu taiva namadzibaba edu enyama, vaitiranga, tikavakudza; ko hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya, kuti tirarame here?

10Nokuti ivo, zvirokwazvo, vakatiranga mazuva mashoma, sezvavaifunga, asi iye anotiranga kuti tibatsirwe, tigogoverwa utsvene hwake.

11Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.

12Saka simbisaizve maoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba;

13gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi chiporeswe.

14Tsvakai rugare navanhu vose, noutsvene, nokuti kunze kwahwo hakuna munhu achaona Ishe;

15muchenjere kuti kurege kuva nomunhu anodzokera shure panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo;

16kurege kuvapo nemhombwe, kana noasina hanya naMwari, saEsau akatengesa udangwe hwake nokudya kamwechete.

17Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, akarambwa; nokuti haana kuwana nguva yokutendeuka, kunyangwe akaitsvaka zvikuru nemisodzi.

Sungano itsva inofananidzwa nesungano yekare

18Nokuti hamuna kuswedera kugomo ringabatwa namaoko, rinopfuta, uye kurima, nokusviba, nokudutu guru,

19nokukurira kwehwamanda, nokuzwi ramashoko; ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rimwe rirege kuzovataurirwa;

20nokuti vakakoniwa kutevera chakanga charayirwa, chokuti, “Kunyangwe nemhuka kana ikabata gomo, ichatakwa namabwe;”

21icho chakaonekwa chatyisa kudai, kuti naMosesi akati, “Ndinotya kwazvo, ndinodedera;”

22asi imi makaswedera kugomo reZioni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusaremu riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi,

23nokuungano huru, nokuchechi yamatangwe akanyorwa kudenga, nokuna Mwari, mutongi wavose, nokumweya yavakarurama vakakwaniswa,

24nokuna Jesu, Murevereri wesungano itsva, nokuropa rakasaswa, rinotaura zvakanaka kupfuura Abheri.

25Chenjerai kuti murege kuramba anotaura; nokuti kana avo vakamuramba nguva yaakavarayira panyika, vasina kupukunyuka, zvikuru isu kana tikafuratira iye wokudenga;

26izwi rake rakazunungusa nyika nenguva iyo; asi zvino akapikira, achiti, “Ndichabvundisazve kamwechete, isati iri nyika bedzi, asi nedengawo.”

27Zvino shoko iri rokuti, “Kamwechete,” rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare.

28Saka, zvatinopiwa ushe husingazununguki, ngative nokuvonga, kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya.

29Nokuti Mwari wedu moto unoparadza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help