1Inzwai chinhu ichi, imi vanhu vose;
Teererai, imi mose mugere panyika;
2Imi vaduku navanokudzwa,
Vapfumi navarombo pamwechete.
3Muromo wangu uchataura uchenjeri;
Uye kufunga kwomwoyo wangu kuchava nenjere.
4Ndicharerekera nzeve yangu inzwe mufananidzo;
Ndichadudza shoko rangu rakavanzika nembira.
5Ndichatya neiko pamisi yezvakaipa,
Kana zvakaipa, zvavanoda kundidzinga, zvichindikomba?
6Ivo, vanovimba nepfuma yavo,
Vanozvikudza pamusoro pokuwanda kwepfuma yavo;
7Hapana angatongodzikinura hama yake,
Kana kupa Mwari rudzikinuro pamusoro pake;
8(Nokuti rudzikinuro rwemweya yawo runokosha,
Runofanira kuregwa nokusingaperi;)
9Kuti arambe ari mupenyu misi yose,
Arege kuona kuora.
10Nokuti anoona kuti vachenjeri vanofa,
Benzi neasina njere vanopera pamwechete,
Vachisiyira vamwe pfuma yavo.
11Vanofunga pamwoyo pavo kuti
dzimba dzavo dzichagara nokusingaperi,
Nougaro hwavo kusvikira kumarudzi avo ose;
Nyika dzavo vanodzitumidza mazita avo.
12Asi munhu haagari achikudzwa,
Akafanana nemhuka dzinopera.
13Iyi ndiyo nzira yamapenzi;
Kunyangwe zvakadaro vanhu vanovatevera
vachitenda zvavanotaura.
14Vakatarirwa Sheori samakwai;
Rufu ruchava mufudzi wavo;
Vakarurama vachabata ushe pamusoro
pavo mangwanani;
Kunaka kwavo kuchangoparadzwa
neSheori, kuti kurege kuva nougaro.
15Asi Mwari achadzikinura mweya
wangu pasimba reSheori;
Nokuti iye achandigamuchira.
16Usatya hako iwe kana mumwe munhu achifumiswa,
Kana pfuma yeimba yake ichiwedzerwa;
17Nokuti kana achifa hapana chaachaenda nacho;
Mukurumbira wake haungaburuki uchimutevera.
18Kunyangwe paupenyu hwake
waikorokotedza mweya wake,
(Kunyangwe vanhu vaikurumbidza
kana uchizviitira zvakanaka),
19Achaenda iye kurudzi rwamadzibaba ake;
Ivo havangatongooni chiedza nokusingaperi.
20Munhu, anokudzwa, asina njere,
Akafanana nemhuka dzinopera.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.