1Zvino shure kwaizvozvo Nabhoti muJezereri wakanga anomunda wemizambiringa, waiva paJezereri pedyo neimba youshe yaAhabhi mambo weSamaria.
2Zvino Ahabhi akataura naNabhoti, akati, “Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiuite munda wemiriwo, nokuti uri pedyo neimba yangu; ini ndigokupa mumwe munda wemizambiringa unokunda uyu; zvimwe, kana uchida, ndingakupa mari yakaringana mutengo wawo.”
3Ipapo Nabhoti akati kuna Ahabhi, “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kukupai nhaka yamadzibaba angu.”
4Ipapo Ahabhi akapinda mumba make, awora mwoyo, ane shungu, nokuda kweshoko raakanga audzwa naNabhoti muJezereri; nokuti iye wakanga ati, “Handingakupiyi nhaka yamadzibaba angu.” Akavata panhoo yake, akatendeudza chiso chake, akaramba kudya.
5Zvino Jezebheri mukadzi wake akaenda kwaari, akati, “Mwoyo wenyu une shungu neiko, zvamusingadi kudya?”
6Iye akati kwaari, “Nokuti ndakataura naNabhoti muJezereri, ndikati kwaari, ‘Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiutenge nemari; asi kana uchida hako, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa panzvimbo yawo,’ iye akapindura, akati, ‘Handingakupiyi munda wangu wemizambiringa.’ ”
7Zvino Jezebheri makadzi wake akati kwaari, “Ko hamuzimi munobata ushe pakati paIsiraeri here? Mukai, mudye, mwoyo wenyu ufare, nokuti ini ndichakupai munda wemizambiringa waNabhoti muJezereri.”
8Naizvozvo akanyora tsamba nezita raAhabhi, akadzisimbisa nechisimbiso chake, akatuma tsamba idzo kuvakuru, nokumachinda, vaiva muguta rake, vakanga vagere naNabhoti.
9Akanyora patsamba idzo, achiti, “Tarirai musi wokuzvinyima zvokudya nawo, mukudze Nabhoti pakati pavanhu.
10Mugoraira vanhu vaviri vakaisvoipa vamire pamberi pake, vamupupurire, vachiti, ‘Iwe wakatuka Mwari namambo.’ Ipapo muende naye kunze kweguta, mumutake namabwe, afe.”
11Ipapo varume veguta rake, ivo vakuru namachinda, vakanga vagere muguta rake, vakaita sezvakarairwa naJezebheri, sezvakanyorwa patsamba dzavakanga vatumirwa naye.
12Vakatara zuva rokuzvinyima zvokudya, vakakudza Nabhoti pakati pavanhu.
13Zvino varume vaviri vakaisvoipa vakapinda, vakandogara pamberi pake; varume ava vakaisvoipa vakamupupurira, iye Nabhoti, pamberi pavanhu, vakati, “Nabhoti wakatuka Mwari namambo.” Zvino vakabuda naye paguta, vakamutaka namabwe, akafa.
14Ipapo vakatuma shoko kuna Jezebheri, vakati, “Nabhoti watakwa namabwe, wafa.”
15Zvino Jezebheri wakati achinzwa kuti Nabhoti watakwa namabwe, wafa, Jezebheri akati kuna Ahabhi, “Simukai, mundozvitorera munda wemizambiringa waNabhoti muJezereri, uyo waakadeya kuramba kukupai, nguva yamakada kumupa mari, nokuti Nabhoti haachiri mupenyu, asi wafa.”
16Zvino Ahabhi wakati achinzwa kuti Nabhoti wafa, akasimuka, akaburuka kumunda wemizambiringa waNabhoti muJezereri, kundozvitorera iwo.
17Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eriya muTishibhi, richiti,
18“Simuka, buruka undosangana naAhabhi mambo waIsiraeri, unogara Samaria; uchamuwana ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, kwaaburukira kundozvitorera iwo.
19“Umuudze, uti, ‘Zvanzi naJehovha, Wauraya, zvino watorawo here?’ Zvino umuudzewo, uti, ‘Zvanzi naJehovha, Apo pakananzva imbwa ropa raNabhoti, ndipo padzichananzva ropa rakowo.’ ”
20Ahabhi akati kuna Eriya, “Wandiwana, iwe muvengi wangu here?” Akapindura, akati, “Ndakuwana; nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.
21Tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pako, ndichakutsvaira chose, ubve, ndichaparadza vanakomana vose vaAhabhi, vaduku navakuru kuVaIsiraeri.
22Imba yako ndichaiita seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, neimba yaBhaasha mwanakomana waAhija, nemhaka yokuti wakanditsamwisa iwe, ukatadzisa Isiraeri.
23Uye Jehovha akataura pamusoro paIzebheri, akati, ‘Imbwa dzichadya Jezebheri parusvingo rweJezereri.’
24Ani naani waAhabhi, unofira muguta, uchadyiwa nembwa, Ani naani, unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzekudenga.”
25(Asi hakuna munhu wakafanana naAhabhi, wakazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naJezebheri mukadzi wake.
26Akaita zvakanyangadza kwazvo, nokuti wakatevera zvifananidzo netsika dzose dzavaAmori, ivo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana VaIsiraeri).
27Zvino Ahabhi wakati achinzwa mashoko iwayo, akabvarura nguo dzake, akasimira magumbu pamuviri wake, akazvinyima zvokudya, akavata pasi namagumbu, akanatsofamba.
28Zvino shoko raJehovha rikasvika kuna Eriya muTishibhi, richiti,
29“Unoona here kuti Ahabhi unozvininipisa pamberi pangu? Zvaanozvininipisa pamberi pangu, handingauyisi zvakaipa izvo pamazuva ake; asi pamazuva omwanakomana wake ndichauyisa zvakaipa izvo pamusoro peimba yake.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.