1Ndipindurei kana ndichidana,
Mwari wokururama kwangu;
Pakumanikidzwa kwangu makandiisa pakafarikana;
Ndinzwirei tsitsi, munzwe munyengetero wangu.
2Nhai vanakomana vavanhu, kukudzwa kwangu
kuchashandurwa kunyadziswa kusvikira rinhiko?
Muchada zvisina maturo, nokutsvaka nhema kusvikira rinhi?
3Asi zivai kuti Jehovha
akazvitsaurira munhu anomuda,
Jehovha achanzwa kana ndichidana kwaari.
4Ityai, murege kutadza;
Tauriranai nemwoyo yenyu panhoo
dzenyu, muti mwii.
5Bairai zvibairo zvokururama,
Muvimbe naJehovha.
6Vazhinji variko vanoti,
“Ndianiko achatiratidza zvakanaka?
Jehovha, simudzirai pamusoro
pedu chiedza chechiso chenyu.”
7Makaisa mufaro mumwoyo mangu,
Unopfuura wavanhu kana zviyo
zvavo newaini yavo zvawanzwa.
8Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope;
Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.