Mapisarema 4 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mufaro norugare zviri kuna JehovhaKumutungamiri wenziyo; nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndipindurei kana ndichidana,

Mwari wokururama kwangu;

Pakumanikidzwa kwangu makandiisa pakafarikana;

Ndinzwirei tsitsi, munzwe munyengetero wangu.

2Nhai vanakomana vavanhu, kukudzwa kwangu

kuchashandurwa kunyadziswa kusvikira rinhiko?

Muchada zvisina maturo, nokutsvaka nhema kusvikira rinhi?

3Asi zivai kuti Jehovha

akazvitsaurira munhu anomuda,

Jehovha achanzwa kana ndichidana kwaari.

4Ityai, murege kutadza;

Tauriranai nemwoyo yenyu panhoo

dzenyu, muti mwii.

5Bairai zvibairo zvokururama,

Muvimbe naJehovha.

6Vazhinji variko vanoti,

“Ndianiko achatiratidza zvakanaka?

Jehovha, simudzirai pamusoro

pedu chiedza chechiso chenyu.”

7Makaisa mufaro mumwoyo mangu,

Unopfuura wavanhu kana zviyo

zvavo newaini yavo zvawanzwa.

8Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope;

Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help