1Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa nokuodza chizoro chomuvenganisi wezvinonhuwira; saizvozvo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.
2Mwoyo womunhu akachenjera uri kurudyi rwake, asi mwoyo webenzi uri kuruboshwe rwake.
3Zvirokwazvo, kana benzi richifamba panzira, rinoshaiwa njere; rinozivisa vose kuti ndiri benzi.
4Kana kutsamwa kwomubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; nokuti unyoro hunonyaradza mhosva huru.
5Chinhu chakaipa chiripo chandakaona pasi pezuva, kuri kutadza kunobva kuvabati.
6Upenzi hunoiswa pakakwirira, asi vapfumi vanogara pakaderera.
7Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, namachinda achifamba pasi savaranda.
8Anochera gomba, achawiramo amene; ani naani anokoromora rusvingo, nyoka ichamuruma.
9Ani naani anoputsa mabwe, angakuvadzwa nawo; uye anobanzura huni, ari panjodzi.
10Kana simbi yagomara, munhu akasairodza, anofanira kunyanya kubata nesimba; asi uchenjeri hunobatsira pakururamisa.
11Kana nyoka ikaruma isati yarapwa namazango, n'anga haibatsiri.
12Mashoko anobva mumuromo woakachenjera, anofadza; asi miromo yebenzi inomumedza iye.
13Kutanga kwamashoko omuromo waro upenzi; nokuguma kwokutaura kwaro upengo hwakashata.
14Benzi rinowanzawo mashoko; asi munhu haazivi zvichavapo; ndiani angamuzivisa zvichazovapo shure kwake?
15Kubata kwamapenzi kunonetsa mumwe nomumwe wavo; nokuti haatongozivi nzira yokuenda nayo kuguta.
16Iwe nyika une nhamo, kana mambo wako ari mwana, kana machinda ako achiita mutambo mangwanani.
17Unomufaro, iwe nyika, kana mambo wako ari mwanakomana wavakakudzwa, kana machinda ako achiita mutambo panguva yakafanira, kuti asimbiswe, asingaitiri kubatwa.
18Nousimbe denga reimba rinosakara; nokuSabata kwamaoko imba inodonha.
19Mutambo unoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu; zvose zvingawanikwa nemari.
20Usatuka mambo, kunyangwe pakufunga kwako; usatuka mupfumi paimba yako yokuvata; nokuti shiri yokudenga ingatakura izwi, uye izvo zvina mapapiro zvingazivisa shoko.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.