Jeremiya 14 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jeremiya anonyengeterera vanhu pamusoro pokusanaya kwemvura

1Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya pamusoro pokusanaya kwemvura.

2Judha vanochema, namasuwo avo anoshaiwa simba, vagere pasi vakafuka nguo nhema; kuchema kweJerusaremu kwakwira kumusoro.

3Vakuru vavo vanotuma varanda vavo kumvura; vanosvika kumadziva, ndokushaiwa mvura, vanodzoka nezvirongo zvisina; vakanyadziswa nokukanganiswa, vanofukidza misoro yavo.

4Varimi vanonyadziswa, vanofukidza misoro yavo, nokuda kwenyika yakaparuka, nokuti mvura haina kunaya panyika.

5Zvirokwazvo, hadzi yenondo inoberekawo musango, ndokurasha mhuru yayo, nokuti hakuna bumhudza.

6Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, dzichifema mhepo samakava; meso adzo aneta, nokuti hakuna huswa.

7“Kunyangwe zvakaipa zvedu zvichitipupurira, imi Jehovha, batai nokuda kwezita renyu; nokuti kudzokera kwedu kuzhinji; takakutadzirai.

8Imi chitariro chaIsiraeri, Muponesi wavo nenguva yokutambudzika, munoitireiko somutorwa panyika, uye somufambi unotsauka kuzovata usiku chete?

9Munoitireiko somunhu unotya, somunhu une simba usingagoni kuponesa? Kunyangwe zvakadaro imi Jehovha muri pakati pedu, takatumidzwa nezita renyu; regai kutisiya.”

10Zvanzi naJehovha kuvanhu ava, “Saizvozvo vakafarira kudzungaira, havana kudzora tsoka dzavo; naizvozvo Jehovha haana kuvafarira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo.”

11Jehovha akati kwandiri, “Usanyengeterera vanhu ava uchivakumbirira zvakanaka.

12Kana vachizvinyima zvokudya, handinganzwi kuchema kwavo; kana vachiuya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; asi ndichavapedza nomunondo, nenzara, uye nechirwere.”

13Ipapo ndakati, “Haiwa, Jehovha Mwari, tarirai, vaporofita vanoti kwavari, ‘Hamungaoni munondo, kana kunzwa nzara; asi ndichakupai rugare rwazvokwadi panzvimbo ino.’ ”

14Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Vaporofita vanoporofita nhema muzita rangu; ini handina kuvatuma, ini handina kuvaraira, kana kutaura navo; vanokuporofiterai zvinonzi zvakaonekwa asi dziri nhema, nezvakaukwa, nezvisina maturo, nokunyengera kwemwoyo yavo.”

15Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita vanoporofita muzita rangu, ndisina kuvatuma hangu, vachiti, “Munondo nenzara hazvingavi munyika ino; zvanzi, ‘Vaporofita avo vachapedzwa nomunondo nenzara.

16Navanhu vavanoporofitera vacharashwa munzira dzomuJerusaremu nemhaka yenzara nomunondo; vachashaiwa unovaviga ivo, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo; nokuti ndichadurura zvakaipa zvavo pamusoro pavo.’

17“Zvino iwe chivaudza shoko iri, uti, ‘Meso angu angaayerere misodzi usiku namasikati, asarega; nokuti mhandara mukunda wavanhu vangu wakuvadzwa nokukuvadzwa kukuru, nevanga rakaipa kwazvo.

18Kana ndichifamba musango, tarirai, vakaurayiwa nomunondo! Kana ndichipinda muguta, tarirai, vanorwara nenzara! Nokuti vaporofita navapristi vose vanopota nenyika, vasingazivi chinhu.’ ”

19Maramba Judha chose here? Mweya wenyu wasema Zioni here? Matirovereiko, tikashaiwa kuporeswa? Takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakauya, nenguva yokuporeswa, asi tarirai, kuvhunduswa bedzi!

20Haiwa Jehovha, tinoziva zvakaipa zvedu, nokutadza kwamadzibaba edu; nokuti takakutadzirai.

21“Regai kutisema nokuda kwezita renyu; regai kushora chigaro chokukudzwa kwenyu; rangarirai henyu, musaputsa sungano yenyu nesu.

22Varipo here pakati pavamwari vasina maturo vavahedheni vanganisa mvura? Denga ringanisa mvura here? Hamuzimi here, imi Jehovha Mwari wedu? Naizvozvo tichakumirirai, nokuti ndimi makaita zvinhu izvi zvose.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help