Mapisarema 30 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Rwiyo rwokuvongaPisarema; rwiyo pakutsaurira Jehovha imba; Pisarema raDhavhidhi.

1Ndichakukudzai zvikuru, Jehovha;

nokuti makandisimudza,

Hamuna kutendera vavengi vangu

kufara nokuda kwangu.

2Jehovha, Mwari wangu,

Ndakachema kwamuri, imi mukandiponesa.

3Jehovha, makabudisa mweya wangu paSheori;

Makachengeta upenyu hwangu,

kuti ndirege kuburukira kugomba.

4Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza,

imi vatsvene vake,

Muvonge kana muchirangarira zita rake dzvene.

5Nokuti kutsamwa kwake kuripo chinguva chiduku;

Asi ngoni dzake ndedzoupenyu hwose.

Kuchema kungavapo madekwana,

Asi mufaro unosvika mangwanani.

6Kana ndirini, ndakati pakufara kwangu,

“Handingatongozununguswi.”

7Imi Jehovha, nengoni dzenyu

makamisa gomo rangu nesimba;

Makavanza chiso chenyu; ini ndikatambudzika.

8Ndakachema kwamuri, Jehovha;

Uye ndakakumbira kuna Jehovha;

9“Ropa rangu ringandibatsireiko,

kana ndichaburukira kugomba?

Guruva ringakurumbidzai here?

Ringadudzira zvokwadi yenyu here?

10Inzwai Jehovha, mundinzwirewo tsitsi;

Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”

11Makashandura kuchema kwangu

kukava kutamba;

Makasunungura gumbo rangu,

mukasunga chiuno changu nomufaro;

12Kuti mweya wangu ukuimbirei

nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara.

Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help