1“Muputsanyi auya kuzorwa nemi; rindirai nhare, tarirai nzira, simbisai zviuno zvenyu, itai nesimba renyu kwazvo.
2“Nokuti Jehovha anodzosa kurumbidzwa kukuru kwaJakobho sokurumbidzwa kukuru kwaIsiraeri; nokuti vapambi vakavapamba, vakaparadza matavi emizambiringa yavo.
3Nhovo dzemhare dzake dzakatsvukiswa, varume vakatsunga vakapfeka nguo tsvuku; (matare engoro anopenya nezuva rokuzvigadzira kwake, mapfumo ake emisipiresi anosimudzwa.)
4Ngoro dzinovirima munzira dzomumusha, dzinobonderana pamapani, dzakafanana namazhenje, dzinomhanya semheni.
5Unorangarira vakuru vake, vanogumburwa pakufamba kwavo, vanomhanyira kurusvingo rwaro pakagadzirwa chitaviridzo.
6Masuwo enzizi akazarurwa, imba yamambo yakanyauka.
7Shoko ratemwa, rokuti, rakafukurwa, rakatapwa, vashandiri varo vanochema namazwi akaita seenjiva, vachizvirova zvipfuva zvavo.
8Asi kubva kare Ninivha rakanga rakaita sedziva remvura; kunyangwe zvakadaro vanotiza. Vanodana vachiti, ‘Mirai, mirai!’ Asi hakuna anocheuka.
9Pambai sirivha, pambai ndarama; nokuti kuwanda kwazvo hakuperi, iyo pfuma yenhumbi dzakaisvonaka.
10Harina chinhu, rinoshaiwa zvose, rava dongo; mwoyo unonyauka, mabvi anobonderana, kurwadziwa kuripo pazviuno zvose, zviso zvavose zvacheneruka.
11“Bako reshumba riripi? Panodyira shumba duku ndapapi? Ndapapi panofamba shumba nehadzi yayo nomwana weshumba, kusina anodzikarudza?
12Shumba yaibvamburanya zvakaringana vana vayo, yaidzipira hadzi dzayo, yaizadza mapako ayo nezvayairuma, nenzimba dzayo nezvayaibata.
13“Tarirai, ndine mhaka nemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichapisa ngoro dzaro dziite utsi, munondo uchapedza shumba dzenyu duku; ndichabvisa zvawakapamba panyika, izwi renhume dzako haringatongonzwikizve.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.