Mapisarema 28 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anonyengetera kuti arwirwe naJehovhaPisarema raDhavhidhi.

1Ndichadana kwamuri, Jehovha;

Dombo rangu, regai kundinyararira;

Zvimwe, kana mukandinyararira,

Ndingafanana navanoburukira kugomba.

2Inzwai izwi remikumbiro yangu,

kana ndichichema kwamuri,

Kana ndichisimudzira maoko angu

kunzvimbo yomukati yeimba yenyu tsvene.

3Musandibvuta pamwechete navakaipa,

Navanoita zvakashata;

Ivo vanotaura rugare kuna vavanogara navo,

Asi zvakashata zviri mumwoyo mavo.

4Muvape zvakaenzana nebasa ravo,

uye zvakaenzana nezvakaipa zvavakaita,

Muvape zvakaenzana nokubata kwamaoko avo;

Muvaitire sezvakavafanira.

5Zvavasina kurangarira mabasa aJehovha,

Nezvaakabata namaoko ake,

Iye achavaputsa, akasavavakazve.

6Jehovha ngaavongwe,

Nokuti akanzwa izwi rokukumbira kwangu.

7Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu;

Mwoyo wangu wakavimba naye, ndikabatsirwa;

Saka mwoyo wangu unofara kwazvo,

Ndichamurumbidza norwiyo rwangu.

8Jehovha ndiye simba ravo,

Ndiye nhare yokuponesa kumuzodziwa wake.

9Ponesai vanhu venyu, muropafadze nhaka yenyu;

Muvafudzewo, muvatakure nokusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help