Zvirevo 9 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Uchenjeri hwakavaka imba yahwo;

Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe;

2Hwakabaya zvipfuwo zvahwo;

Hwakavenganisa waini yahwo;

Hwakagadzirawo tafura yahwo.

3Hwakatuma varandakadzi vahwo;

hunodanidzira pamitunhu yeguta, huchiti,

4“Asina mano ngaatsaukire muno;”

Asina njere, hunoti kwaari,

5“Uyai mudye chingwa changu,

Munwe waini yandakavhenganisa.

6Regai kusasvinuka murarame;

Mufambe nenzira yenjere.”

7Munhu, anoraira mudadiri

anozvitsvakira kunyadziswa;

Anotuka munhu wakaipa achasvibiswa.

8Usaraira mudadiri, kuti arege kukuvenga;

Raira munhu wakachenjera, iye achakuda.

9Ipa wakachenjera dzidzo,

ipapo iye achawedzerwa uchenjeri;

Dzidzisa wakarurama, ipapo iye

achawedzerwa zivo.

10Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Jehovha;

Kuziva Mutsvene ndidzo njere.

11Nokuti neni mazuva ako achaitwa mazhinji,

Makore oupenyu hwako achawedzerwa.

12Kana wakachenjera, iwe, wakazvichenjerera hako;

Kana uri mudadiri, iwe woga uchava nemhosva yazvo.

13Mukadzi benzi anopupira;

Haana mano, haazivi chinhu.

14Anogara pamukova wemba yake,

Pachigaro pamitunhu yeguta.

15Kuti adanidzire kuna vanopfuura napo,

Ivo vanorurama nenzira dzavo, achiti,

16“Ani naani asina mano, ngaatsaukire muno;”

Asine njere, mukadzi anoti kwaari,

17“Mvura yabiwa inozipa,

Chingwa chinodyiwa pakavanda chinonaka.”

18Asi haazivi kuti vanopindamo vanofa;

Kuti vakakokerwa naye vari mukati–kati meSheori.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help