Isaya 38 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kurwara kwaHezekiya nokupora kwakezve

1Zvino namazuva iwayo Hezekiya akarwara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Chirayira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.’ ”

2Ipapo Hezekiya akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha,

3akati, “Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomwoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekiya akachema kwazvo.

4Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Isaya, richiti,

5“Enda undoti kuna Hezekiya, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu.

6Ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria; uye ndichadzivirira guta rino.’

7“Hechi chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha achaita chinhu ichi chaakataura.

8Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, wakanga wakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi.” Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira.

Rwiyo rwokuvonga rwaHezekiya

9Horwu runyoro rwaHezekiya mambo waJudha, panguva yaakanga arwara, akaporazve pakurwara kwake.

10Ndakati, ndichapinda pamusuwo

eSheori achiri masikati pamazuva angu;

Ndatorerwa makore angu akanga asara.

11Ndakati, handichazooni Jehovha,

iye Jehovha, panyika yavapenyu;

Handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika.

12Ugaro hwangu hwaputswa,

hwabviswa kwandiri setende romufudzi;

Ndapeta upenyu hwangu, somuruki,

uchandigura pachirukiso;

Muchandigumisa kubvira mangwanani

kusvikira madekwana.

13Ndakachema kusvikira kwaedza;

unovhuna mapfupa angu ose seshumba;

Muchandigumisa kubvira mangwanani

kusvikira madekwana.

14Ndakarira senyenganyenga kana kondo;

Ndakachema senjiva; meso angu

akapera nokutarira kumusoro;

Haiwa Jehovha, ndakamanikidzwa,

ivai mumiriri wangu imi.

15Ndingatiiko?

Ndiye akataura neni, ndiye akazviita;

Ndichanatsa kufamba makore angu

ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu.

16Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu izvozvi;

Upenyu hwose hwomweya wangu huri mazviri;

Naizvozvo ndiporesei, mundiraramise.

17Tarirai, kutambudzika kwangu

kukuru kwakazondivigira rugare;

Asi makarwira mweya wangu norudo

pagomba rokuparadzwa;

Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.

18Nokuti Sheori harigoni kukuvongai,

rufu harugoni kukurumbidzai;

Vanoburukira kugomba havangagoni

kutarira zvokwadi yenyu.

19Mupenyu, mupenyu, ndiye

uchakuwongai, sezvandinoita nhasi;

baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu.

20Jehovha akazvigadzira kundiponesa;

Naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeranwa

Mazuva ose oupenyu hwedu mumba maJehovha.

21Zvino Isaya akanga ati, “Ngavatore bundu, ramawonde varinamire pamota, ipapo achapora.”

22Hezekiyawo akanga ati, “Chiratidzo ndechipi kuti ndichakwira kuimba yaJehovha?”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help