Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mwenga anotsvaka muwani wake

1Usiku, ndiri panhoo dzangu,

Ndakamutsvaka anodikanwa nomweya wangu;

Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana.

2Ndikati, ndichasimuka zvino,

ndifambe–fambe neguta;

Panzira dzomumusha, napamatare

Ndipo pandichatsvaka anodikanwa nomweya wangu;

Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana.

3Varindi, vanofamba–famba neguta, vakandiwana;

Ndikati kwavari, “Matongoona

anodikanwa nomweya wangu here?”

4Ndakati ndangobva kwavari,

ndakapfuura zvishoma,

Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu;

Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza,

Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu,

Muimba yomukati yaiye wakandibereka.

5Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu,

Nemharapara nenondo dzokubundo,

Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo,

Kusvikira irwo rwada pacharwo.

Kuuya kwechikomba

6Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje

Seshongwe dzohutsi,

Anonhuwira nemura nezvinonhuwira,

Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi?

7Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa;

Mhare dzina makumi matanhatu

dzakachikomberedza,

Vanobva pamhare dzaVaIsiraeri.

8Vose vanoziva kubata munondo,

vakadzidza kurwa;

Murume mumwe nomumwe ano munondo wake pahudyu yake,

Nokuda kwezvinotyisa usiku.

9Mambo Soromoni akazviitira chigaro chinotakurwa

Chamatanda eRebhanoni.

10Akaita mbiru dzacho nesirivha,

Musana wacho nendarama, pokugara

kwacho nomucheka mutsvuku,

Mukati macho makarongwa norudo

Rwavakunda veJerusaremu.

11Budai, imi vakunda veZioni, muone mambo Soromoni,

Ane korona yaakadzikwa namai vake

Pazuva rokuwana kwake,

Napazuva romufaro womwoyo wake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help