2 Vanamakabhi 14 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

VII: HONDO YANIKANORIKucherwa kwaMakabheusi naArikimusi kuna mambo

1Kuzoti kwapera makore matatu, kwakazouya shoko kuna Judhasi navarwi vake richiti Dhemetiriusi mwanakomana waSerukusi akasvika nengarava panosvikira ngarava kuTiriporisi aine hondo huru yavarwi uye chitsama chengarava

2akatora nyika iyoyo akaiita yake. Akanga atouraya Andiokusi pamwechete nomureri wake uya Risiyasi.

3Izvozvo mumwe ainzi Arikimusi akambenge ari mupristi mukuru asi akazenge azvin'oresa munguva yechimurenga, akazviona kuti pakanga pasina nzira yokuti apunyuke nayo njodzi kana mukana wokuzomboshandazve paatari inoera.

4Nezvo akaenda kuna mambo Dhemetiriusi mugore rainge rezana namakumi mashanu nechiposhi. Akandomupa chipo chechiremba chendarama nomurara pamwechete naizvozvo akapawo setsika yaitevedzwa, mapazi omuorivhi okuTemberi. Zuva iroro akaswera akanyarara zvake.

5Asi akazowana mukana wokuti zvaaipenga nazvo zviitike paakakokwa naDhemetiriusi kumusangano wedare ramakurukota, akabvunzwa mamiriro akaita zvinhu kuvaJudha netwavaironga kuita. Akapindura achiti,

6“Kune vamwe vaJudha vanonzi vaHasidhi

vanotungamirirwa naJudhasi Makabheusi

vari kungoenderera mberi nehondo.

Vari kumutsa chimurenga, havasi kumboda

kuti nyika yamambo iwane runyararo.

7Naizvozvo ndakambotsveta pasi mbiri

yamadzitateguru angu, ndiri kureva

basa rokuva mupristi mukuru.

Saka zvino ndauya kuno,

8chokutanga pamusana peshungu dzandinadzo nezvido

zvamambo, chechipiri ihanya dzandinadzowo

navagari vomunyika yokwangu.

Ndinodaro nokuti upenzi huri kuitwa

navanhu vandareva ivavo, rudzi rwedu

rwose rwakapinda mujambwa chairo.

9“Imi mambo, zvamunodai kunyatsoziva twese

twese nezvenyaya iyoyi nemwoyochena

wamunoitira vanhu vose, dai waro

mangorangarirawo nyika yedu navanhu vokwedu

vava parumano kudai.

10Chandinodariro ndechokuti kana

Judhasi akaramba chete ari mupenyu

hazvimbokwanisika kuti

hurumende ive norunyararo.”

11Arikimusi paakataura izvozvi, shamwari dzose dzamambo dzakanga dzichivenga Judhasi dzakabva dzakurumidza kunyandutsa hasha dzamambo Dhemetiriusi.

12Iye akabva akasika kusarudza Nikanori akanga ariye mutungamiriri wenzou akamuita gavhuna weJudhia, akabva amuti aende

13achimuti andouraya Judhasi, varwi vake avaitise rumwe rumwe uye kuti andogadza Arikimusi kuti ave mupristi mukuru weTemberi huru huru kwazvo.

14Vanhu vechirudzi vomuJudhia mose zvamo vaya vakambotiza Judhasi, vakaunganidzana voita mukumbu mumwechete naNikanori vachifunga kuti kana vaJudha vakabudirira munhamo nomumatambudziko, zvinhu zvinobva zvazotifambirawo zvakanaka isu.

15VaJudha pavakanzwa nezvokuuya kwaNikanori nokuunganidzana kwakanga kwaita vechirudzi, vakazvidira mavhu mumusoro vakanamata kuna iye akatsigira vanhu vake nokusingaperi uye anoramba achiita kuti nhaka yake irambe ichienderera mberi nokuzviratidza kwake.

16Pavakangoudzwa chete zvakanga zvichidiwa nomutungamiriri wavo, ivowo vakabva vasimuka ipapo vakandotanga kurwisana navo pane mumwe musha wainzi Dhesau.

17Simoni, mukoma waJudhasi akanga arwisana naNikanori asi akanga amboshayiwa chokuita pamusana pokuerekana arwiswa nomuvengi.

18Zvakadaro zvazvo, Nikanori nokunzwa kwaakaita kurwa semvumba kwaiita Judhasi navarwi vake nechivindi chavaiita muhondo vachirwira nyika yavo, akasumba kuti ati kudeura ropa kuve ndiko kupedza nyaya iyoyi.

19Naizvozvo akatuma Posidhoniusi naTiodhotusi naMatatiasi kuti vandoitirana navo zvitsidzo zvokuti pave noushamwari pakati pavo.

20Zvitsidzo zvacho pazvakanga zvanyatsozeyewa, uye mutungamiriri ataurirawo vanhu, zvatoonekwawo kuti vaiwirirana nazvo, vakagamuchira chibvumirano chacho ichocho.

21Vatungamiriri vakaronga zuva rokuti ivo vazosangana pachavo voga. Kuhondo yoga yoga pauviri hwadzo kwakabva ngoro yehondo, zvigaro zvoushe zvikagadzikirwawo pakadaro apo.

22Judhasi akaronganisa varwi vakapakata zvombo zvehondo kundogara vakagaririra munzvimbo dzehondo dzinokosha kuitira kuti kana vangoyerekana vapandukirwa nomuvengi vawane madziviriro. Vakaita musangano uyu zvakanaka.

23Nikanori akaramba agere muJerusaremu asina chaakaita chaaitsaudzira asi akati manyoremanyore avanhu vakanga vaungana vaende zvavo.

24Akanga abatana naJudhasi zvomukombe nechirongo chaizvo achiwirirana naye kwazvo.

25Akamukurudzira kuti aroore avewo navana saizvozvo Judhasi akaroora zvake akabva agadzikana ndokugarawo sevamwe vanhu.

Umharadzi hwaArikimusi

26Asi Arikimusi paakaona kushamwaridzana kwavo akatora chibvumirano chiya chakanga chaitiranwa ndokuenda kuna mambo Dhemetiriusi. Akandomutaurira kuti Nikanori akanga asisiri munhu wakatendeseka kuhurumende nokuti akatenge agadza pachinzvimbo choukuru Judhasi, mhandu yamambo kuti ave wokubata ushe panzvimbo paNikanori.

27Mambo akanyanduka neshungu akatsamwiswa nokupomera Makabheusi zvenhema kwaiitwa nomunhu uya akafumuka, akabva anyorera Nikanori tsamba maakadudza kuti haana kufadzwa nechibvumirano chiya achimuudzawo kuti amutumire Makabheusi somusungwa nokukurumidza kuAndioku.

28Pakasvika shoko iri munzeve dzaNikanori zvakamutambudza zvikamurwadza mwoyo kuti vapfudze chibvumirano chavo ipo pasina chakanganiswa nomunhu wacho.

29Asi zvazvakanga zvisiri nyore kupikisana namambo, Nikanori akavemberedza kuti awane mukana wokuti azviite noujarijari.

30Asi Makabheusi paakaona kuti Nikanori akanga ava kutonyanya kumuomesera uye nokutaura naye nechinya zvaakanga asingachiita, akabva azviona kuti kuomarara uku hakusi kumbobva mumwoyo wakanaka. Nezvo akaunganidza varwi vake vakawanda ndokuenda kundohwanda Nikanori.

31Nikanori paakazoziva kuti munhu uya andibatisa pasi akabva akaenda kuTemberi yomukurumbira iya inoera, izvozvo vapristi vakanga vachipira zvibayiro samazuva ose, akavati, “Ndipei kuno munhu wacho iyeyo.”

32Pavakatsidza nemhiko kuti havasi kuziva kwakanga kuine munhu waaitsvaka,

33iye akatambanudza ruoko rworudyi akanongedza kuNzvimbo Inoera akapika nemhiko iyi achiti,

“Kana mukarega kundipa Judhasi

somusungwa, ndichaparadza

Nzvimbo iyi Inoera yaMwari

ndigopaza atari

ndigovakira Dhionisiusi temberi

chaiyo yamandiriri pano apa.”

34Akataura izvozvi izvi akasumuka akaenda. Ipapo vapristi vakasumudzira maoko avo kudenga, vakachema kuna iye anogara ari Mudziviriri wavanhu vorudzi rwedu vachiti,

35“Nhai Tenzi wazvose, imi musina chamunoshaya,

inga zvakakufadzai kuti pave neTemberi

yokuti ive musha wenyu pakati pedu.

36Saka zvino imi Munoera, Tenzi wokuera kwose,

chengetedzai waro narini wose imba iyi ichangobva

mukuchenurwa irege kun'oreswa.”

37Mumwe ainzi Razisi aiva mumwe wavakuru vakuru vomuJerusaremu, akacherwa kuna Nikanori zvichinzi iyeyo munhu anoda vagari vomunyika yokwake anoremekedzwa kwazvo nokuda kwemwoyo wake wakanaka akanga ava kutonzi ndibaba wavaJudha.

38Chaivapo ndechokuti kareko, pakwakanga kusati kwava nezvokusangana–sangana nevechirudzi, Razisi akambopomerwa mhosva yezvechiJudha. Iye, kune vechiJudha, shungu dzake dzose ndokwadzaiva zvokutoisa muviri noupenyu hwake parumano chaipo.

39Nikanori, achida kuonesa kuvenga kwaaiita vaJudha, akatuma varwi vehondo vanodarika mazana mashanu kundobata Razisi

40nokuti aifunga kuti kana akamusunga kudaro ndokuti arwadzise vaJudha.

41Varwi vehondo pavakanga vava kurwisa nharire iyoyo vachigwejenura gonhi racho romunhandare, vakati moto ngauuyiwe nawo makonhi apiswe. Razisi akombwa kudaro akazviwisira pabakatwa rake,

42achisarudzira kufa aine chiremera chake pane kuva mumaoko avatadzi agotambudzwa zvisingambokodzerana navo somunhu akaberekwa kumbahuru.

43Asi hondo payakanga yapisa zvikuru, Razisi akatadza kuziva kuti bakatwa rinomuuraya kana kuti kwete saka bakatwa harina kumuuraya. Izvozvo mhomho yavanhu yakanga yava kupinda ichimhanya napamakonhi. Razisi nechivindi akakwira parusvingo ndokuita zvechirume ozvikanda pasi mukati memhomho yavanhu imomo.

44Asi vanhu pavakati dzvamu kupeuka pakasara kadzengere kasina chinhu, iye ndokusvikowira pakati penzvimbo isina chinhu.

45Izvozvo akanga achiri mupenyu azara nehasha akabva asimuka kunyange zvazvo ropa rake rakanga richipfachuka kubuda aita maronda anorwadza, akamhanya nomukati mechita chavanhu imomo akamira padombo rakatenuka chaizvoizvo.

46Akanga zvino apera kurasikirwa neropa mumuviri akabva azvibvarura ura akahubata mumaoko ose ari maviri ndokuhukanda kuchita chiye achidaidzira kuna Tenzi woupenyu muridzi wemweya kuti azomudzosera izvozvo. Iyoyi ndiyo yakava firo yake iyi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help