2 Vanamakabhi 2 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kuviga kwakaita Jeremiya tendhe nebhokisi rechitenderano neatari yokupisira rusenzi

1Mubhuku rinonyorwa zvinenge zvaitika munoonekwa kuti muprofita Jeremiya akaudza vanhu vakanga vachiendwa navo kuutapwa kuti vatore mumwe moto sezvakambenge zvarehwa;

2uye kuti, mushure mokunge muporofita iyeyu avapa mutemo akaraira vanhu ivavo vakanga vachiendwa navo kuutapwa kuti, varege kukanganwa mirawo yaTenzi uyezve kuti vasafuririke mupfungwa dzavo nokuona kwavanenge vaita zvifananidzo zvendarama nesirivha kana nokushongedzwa kwazvo.

3Iye, namamwe mazwi akaita saiwaya, akavakomekedza kuti mitemo isambobva mumwoyo mavo.

4Imomo makanga makanyorwawo kuti muporofita, paakagamuchira chiratidzo, akaudza vanhu kuti iye ndiye achaenda netendhe nebhokisi rechitenderano uye kuti iye akaenda kugomo riya rakambokwira Mosesi akaona nhaka yaMwari.

5Jeremiya akasvikowana bako akabva aunza imomo tendhe nebhokisi rechitenderano neatari yokupisira rusenzi ndokubva anama muromo waro.

6Vamwe vakamutevera vakasvikokwiramo kuitira kuti vaise mucherechedzo gwara racho, asi havana kukwanisa kuriwana.

7Jeremiya paakazviziva, akavatsiura akatsidza kuti, “Nzvimbo yacho iyoyo haifanire kuzombozivikanwa kudzamara Mwari azounganidza vanhu vake pamwechete zvakare avanzwira ngoni.

8Ipapo Tenzi ndopaachazoisa pachena zvinhu izvi kupenya kwokuvapo kwaTenzi negore zvichazoonekwa sokuratidzwa kwazvakaitwa kuna Mosesi uye sokunamata kwakaitawo Soromoni kuti nzvimbo iyoyi inyatsova nzvimbo yakateketererwa kuna Mwari.”

9Zvakangawo zvakaiswa pachena imomo kuti Soromoni, sezvaakanga aino ungwaru akapira chibayiro chokukumikidza nacho Temberi kunaMwari nokuipedzesa.

10Sezvakangoitawo Mosesi kunamata kuna Tenzi, moto ukatozomoka kubva kudenga ukaroromesa zvibayiro; ndozvimwechetezvo zvakaitawo Soromoni akanamata moto ukakoromokawo ukapisa chibayiro chinopiswa chose zvacho.

11Ipapo Mosesi akati, “Zvakaroromeswa pamusana pokuti mupiro wokupfupira zvitadzo wakanga usina kudyiwa.”

12Ndozvimwechetezvo naSoromoni akachengeta mazuva makuru masere iwayo.

Imba yamabhuku yakatangiswa naNehemiya

13Zvinhu zvimwechete izvozvi zvinowanikwa mubhuku rinonyorwa zvinenge zvaitika nomunhoroondo dzaNehemiya uyewo kuti ndiye akatangisa kuita imba yamabhuku. Akaunganidza mabhuku anorondedzera nezvamadzimambo nezvavaporofita nezvakanyorwa naDhavhidhi namatsamba amadzimambo ezvemipiro yezvakambotsidzwa.

14Judhasi akaitawo zvimwechetezvo, akaunganidza mabhuku ose akanga amborasika muhondo yakanga yatisvikira izvozvi ari mumaoko medu.

15Saka kana imi muchiada, tumai vanhu vazoatora vakuigirei.

Kuziviswa kwavaJudha vokuIjipiti nezveZuva Guru roKuchenura

16Naizvozvo isu zvatadai kuva padyo nokupemberera Zuva Guru roKuchenura ndosaka takunyorerai kudai. Naizvozvo dai mangochengetawo mazuva iwaya.

17Mwari ndiye akanunura vanhu vake akadzosera munhu wose nhaka yake noumambo noupristi nokueresa

18sokutsidza kwaakaita mumutemo. Chatinodariro ndechokuti tinotarisira kuti Mwari achatinzwira tsitsi zvinouno uye kuti achatikokorodza kwose kwose pasi pano achitiunganidza muNzvimbo Inoera nokuti akatinunura mumadzudzo makuru akachenura nzvimbo yacho.

II: MAZWI OMUNYORI OKUSUMA

19Rungano rwaJudhasi Makabheusi navakoma navanun'una vake nerwokuchenurwa kweTemberi huru nokukumikidzwa kweatari kuna Mwari

20nerwedzimwe hondo dzavakarwa naAndiokusi Epifanesi nomwanakomana wake Yupeta

21nezviratidzo zvakabva kudenga zvakaonekwa navanhu vakanga vachirwira zvechiJudha nomwoyo wose zvokuti kunyange vaiva vashoma zvavo kudaro vakagona kubata nyika yose iyi mumaoko mavo vakadzingirirana nezvipoka zvipoka zvavanhu vechirudzi

22vakamutsa Temberi ino mukurumbira pasi pose. Vakasunungura guta racho vakadzorera pakare mitemo yakanga yoda kudzimwa, izvozvo Tenzi pamusana petsiye dzake nyoro dzakanyanya, akavaitira mwoyochena.

23Zvose izvozvi izvi zvakambonyorwa naJasoni wokuSairini zvikaita mabhuku mashanu, zvino tichaedza kuzvinyora muchidimu mubhuku rimwechete chete.

24Chatiri kudariro ndechokuti tunhu tunoverengeka imomo tuchitaurwa uwandi hwatwo twakawandisa nokutambura kunozoita vanhu pamusana pouwandi kwezvinhu zvakadai ndizvo zvakandipa kurangarira vanhu vangadaro vachida kungonzwa zvavo zvenhoroondo chete.

25Chinangwa chedu ndechokuti vanhu vanoda zvokuverenga vafare uyewo kuti vaye vanoda kuverenga vachiita zvokubata nomusoro zvivaitire nyore, zvibatsirewo munhu wose anoverenga.

26Basa irori rokuapfupikisa, harisi nyore kwatiri. Asi rinotoda kushizha dikita nokutomborishayirawo hope,

27sezvakangoitawo munhu anenge achigadzirira vamwe mabiko, hazvisi nyore. Kuitira kuti zvitendwewo navazhinji tinongoshirirawo tichingoshingaira tichifara zvedu.

28Zvokudorongosha nokunyatsoverenga twese twese tinozvisiyira kuna iye akanyora mabhuku iwayo. Chedu isu kungonangana chete muchidimbu nezvikuru zvikuru zvirimo.

29Zvakangofanana nomukuru mukuru wapabasa rokuvaka imba itsva anofanira kutarisana nezvose zvinofanira kuitwa paimba iyoyo asi hazvingamboenzana naanopenda nokuishongedza, uyu chaanongofunga chete kuti imba inyatsoshongedzeka, sezvakangoita wokupenda iyeyu ndozvandinofunga kuti ndizvo zvatakaita isu.

30Ibasa romunhu anotanga kunyora nhoroondo dzezvakaitika nokuti anofanira kutopinda mukatikati menyaya achiwongorora nyaya yacho mativi ose achinyatsodorongosha twese twese.

31Asi mumwe anenge ozonyorazve ane mvumo yokuisa zvinhu muchidimu achisiya tudorongoshwa tunoedza kunyatsotsetsenura tuya.

32Naizvozvo ndingati pano apa tochitangisa nhoroondo yedu tichizongopamhidzirawo zvinenge zvotodiwa pane zvataurwa kare. Ndinodaro nokuti zvingave zvinhu zvisina nomusoro wose kurebesa mazwi okusuma ndichizopfupikisa nhoroondo yacho chaiyo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help