1Naizvozvo vakatumira nhume kundotsvaka rugare neshoko rokuti,
2“Tarisai muone, isu varanda vaNebhukadhineza, mambo mukuru tachidai kuti pasi zvambarara mberi kwenyu, itai zvenyu kwatiri chose zvacho chamunenge muchida.
3Inga tarisai muone zvenyu dzimba dzedu nenyika dzedu dzose neminda yedu yekoroni namatanga edu ezvimwe zvipfuwo nemombe uye namatanga edu ehwai pamwechete namatendhe adzo ndizvoka izvi zvakati mbwe–e mberi kwenyu, itai zvenyu zvamunoda nazvo
4uyewo maguta edu, navagari vomo, varanda venyu. Uyai muzoita kwazviri chipi nechipi chamunenge mada.”
5Varume ava vakaenda kuna Horofenesi vakamupira zvose izvozvi.
6Iye ndokudzika kumahombekombe kwegungwa kwacho aine hondo yake akabva aisa zvikwata zvikwata zvavarwi mumaguta etsvingo. Akabva atora varume vaakanyatsosarudza mukati mavanhu ivavo akavaita kuti vave vokutsigirana naye.
7Vanhu ivava ava navose vomunharaunda menyika iyoyi kuitenderera, vakamugamuchira nehata dzamaruva, kuchidzanwa kutamba, ngoma dzichiridzwa.
8Akapaza dzimba dzavo dzose dzokunamatira akatemera pasi miti yavo yavaieresa pamusana pokuti akanga anzi aparadze vamwari vose venyika iyi kuitira kuti marudzi ose apfugamire Nebhukadhineza chete, uyewo kuitira kuti ndimi dzose namarudzi ose avanhu vanamate kwaari samwari wavo.
9Akazosvika kumuganhu weEsidhiraeroni pedyo neDhotani pari pakatarisana nomuzanda wamakomo eJudhia,
10ndipo paakazodzika matendhe ake pakati peGebha neguta reSikuto. Akagarapo mwedzi wose kuitira kuti ambounganidza zvose zvaidikanwa nehondo yake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.