1 Madzimambo 8 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kuunzwa kwakaitwa bhokisi rechitenderano kumba yaTenzi

1Soromoni akazokokorodza vakuru vakuru veIsiraeri navakuru vakuru vose vamadzinza avo, vatungamiriri vedzimba dzamadzimambo evanhu vechiIsiraeri, vakaungana kuna mambo Soromoni muJerusaremu kuti vaende kundotakura bhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi, guta reZioni.

2Saizvozvo varume vose vechiIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamazuva makuru emwedzi waEtanimu, mwedzi wechinomwe.

3Vakuru vakuru vose veIsiraeri pavakasvika, vapristi vakandotakura bhokisi rechitenderano.

4Vakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano netendhe rokusanganira nemidziyo yose inoera yaiva mutendhe iroro rokusanganira. Vapristi navaRevhi ndovakauya nazvo.

5Mambo Soromoni negungano rose ravaIsiraeri vakanga vaungana kwaari vakanga vainaye paiva nebhokisi rechitenderano ipapo, vakapira hwai nemombe zhinji dzisingaverengeki kana kugona kuverengetwa.

6Vapristi vakazondoisa bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo paro munzvimbo inoera mukamba kwomukatikati kemba iyoyi, munzimbo inoeresesa nechepasi pamapapiro emakerubhu aye.

7Chaivapo ndechokuti makerubhu iwayo akanga akatambanudza mapapiro pamusoro penzvimbo yebhokisi rechitenderano zvokuti makerubhu iwayo aiva akafugidza bhokisi rechitenderano iri namapango aro okuritakurisa.

8Mapango aya aiva akareba zvokuti kwokupedzesera kwawo kwaitoonekwawo kunyange nomunhu ari munzvimbo inoera tisati tapinda munzvimbo inoera. Asi akanga asingaonekwe nomunhu ari kunze, achiriko nanhasi uno.

9Mubhokisi rechitenderano makanga musisina chimwe chinhu kunze kwamafendefa amabwe maviri aye akaiswamo naMosesi kuHorebhu kwakaita Tenzi chitenderano navanhu veIsiraeri pavakapinda munyika yeIjipiti.

10Vapristi pavakabuda munzvimbo inoera muya gore rakazadza imba yaTenzi

11zvokuti vapristi vakatadza kuita basa ravo pamusana pegore iri nokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza imba yaTenzi iyi.

12Soromoni akati,

“Kunyange zvazvo Tenzi ariye akaisa zuva

kumatenga uku asi Tenzi akazvisarudzira

zvake kugara mugore rakati kwirindindi.

13Iniwo ndakanyatsokuvakirai imba,

ino chaiyo, inomukurumbira,

musha wokuti imi mugare zvenyu nokusingaperi.”

Nhauro yaSoromoni kuvaIsiraeri(2 Nhor 6:3–11)

14Mambo akazotendeuka akabva akomborera gungano rose reIsiraeri iro gungano reIsiraeri rose rakati ji kumira.

15Akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wevaIsiraeri akadai kuzadzikisa zvaakatsidzira baba vangu Dhavhadhi achiti,

16‘Kubvira pandakaburitsa vanhu vangu vaIsiraeri muIjipiti, handina kusarudza guta mumadzinza ose eIsiraeri mokuti muvakwe imba yokuisa zita rangu. Asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsiraeri.’

17“Baba vangu Dhavhidhi akanga ainazvo mumwoyo zvokuvakira zita raTenzi, Mwari wavaIsiraeri imba.

18Asi Tenzi akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Zvokuti mumwoyo mako muve nepfungwa yokuvaka imba yokuisa zita rangu, changa chiri chinhu chakanaka chawanga unacho mumwoyo.

19Chete, iwewe hausiriwe wokundivakira imba yacho asi kutoti mwana wako mukomana wauchaberekerwa ndiye achavaka imba ichaiswa zita rangu.’

20Zvino Tenzi akazadzisa chitsidzo chaakatsidza, kukazomuka ini panzvimbo yababa vangu vaDhavhidhi, hezvi ndigere pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri sokutsidza kwakaita Tenzi, ndikazovakirawo zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri imba iyi.

21Ndimo mandati mugare bhokisi raMwari rine chitenderano chaTenzi chaakaita namadzimambo edu paakavaburitsa munyika yeIjipiti.”

Munamato waSoromoni(2 Nhor 6:12–40)

22Soromoni akamira pamberi peatari yaTenzi gungano rose reIsiraeri riripo akasimudzira maoko ake mudenga akanamata

23achiti,

“Imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri,

hakuna Mwari akaita

semi, kumusoro kudenga kana panyika

pasi pano anochengeta chitenderano

achiitira mwoyochena varanda vake

vanofamba vakatendeseka

kwaari nomoyo wose,

24semi makachengeta zvamakataurira

muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi.

Makataura imi nomuromo wenyu noruoko rwenyu

mukazvizadzisa sezvazviri nhasi uno.

25Zvino Tenzi, Mwari wavaIsiraeri

chengetedzai waro zvamakatsidzira

muranda wenyu baba vangu

Dhavhidhi zvaakavataurira achiti,

‘Hazvichafa zvakamboitika kuti

ini ndishaye munhu womumba mako

wokuzogara pachigaro

choumambo hwokwaIsiraeri.

Ndokungewo vana vako

vachenjerera mafambiro avo vafambawo

mberi kwangu sokufamba mberi

kwangu kwawakaitawo iwe.

26Saka zvino imi Mwari wevaIsiraeri

shoko renyu ramakatsidzira

muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi ngarichiitika.’

27“Chaizvo chaizvo Mwari

angaite panyika pano kuti pave musha

wake nhai! Inga wani denga kana

iwo matengatenga haakwane kuti ave musha wake.

Ko kutozoti imba iyi yakavakwawo neniwo zvangu.

28Kunyange zvazvo zvakadaro

Tenzi, Mwari wangu rerekerai nzeve

dzenyu kumunamato wangu ini

muranda wenyu nokuchichemo changu,

munzwewo chichemo nomunamato

wandiri kuita kwamuri nhasi uno

29kuti ziso renyu rirambe riri

pamba iyoyi siku nesikati panzvimbo

iyi yamakati, ‘Ichadaidzwa nezita rangu,’

kuitira kuti mugozonzwawo

munamato wangu ini muranda wenyu

wandiri kuitira nzvimbo ino.

30Inzwaiwo chichemo ichi changu

ini muranda wenyu nechevanhu venyu

vaIsiraeri pavanonamata vakaringira

kunzvimbo ino, vanzwei muri kudenga

kwamunogara, pamunenge manzwa muvaregerere.

31“Kana munhu akatadzira mumwe

wake, akange anzi apike mhiko,

akauya akasvikopika mhiko yake

pamberi peatari yenyu mumba muno,

32pakadaro apo imi teererai muri

kudenga ikoko muwane chamungaite nazvo.

Muteme zvinowirirana nemhosva yacho,

ane mhosva muti apfukirwe nemhosva

yake anengewo asina mhosva mudure

pachena kuti haana mhosva

maererano nokururamawo kwake.

33“Kana vanhu venyu vaIsiraeri

vakakundwa navavengi pamusana

pokuti vakakutadzirai vakange

vadzokerazve kwamuri, vokuzivaizve zvino

nezita, vakanamata vachiisa zvichemo

zvavo kwamuri mumba muno,

34vanzwei kudenga ikoko muregerere

vanhu venyu vaIsiraeri chitadzo

ichocho, muvadzorere kunyika

yamakapa madzitateguru avo.

35“Kana denga richinge rapfigwa

rarega kunaya mvura pamusana

pokuti vakakutadzirai, vakanamata

vakaringa kunzvimbo ino,

vavakukuzivai zvino nezita vakakanda

pasi chitadzo chavo, imi manga

mambovaonesa nhamo,

36vanzwei kudenga ikoko,

muregerere muranda wenyu, navanhu venyu

vaIsiraeri chitadzo chavo,

muvadzidzise makwara akanaka okuti vafambe

nawo, mupe mvura nyika yenyu yamakapa

vanhu venyu senhaka yavo.

37“Kana munyika ino mukaita

nzara kana kuti mukaita denda kana

zvikukuve kana chiundudzi,

kanawo kukauya mhashu kana rukonye kana

kuti vavengi vavo vakavatambudza

munyika muno muguta ravo ripi zvaro

kunyange nyatwa ipi zvayo kana

kukava nechirwere chipi nechipi zvacho,

38vanhu venyu vose vaIsiraeri

kana kuti ani naani zvake anenge

aine nhuna dzaari kunzwa mumwoyo

make akazotambanudza maoko akaringa

kumba ino achiita munamato upi zvawo

kana kuisa chichemo chipi nechipi zvacho,

39munzwei kudenga ikoko kunzvimbo

yenyu kwamunogara, mumuregerewo

muwane chimwe chamungaite nazvo

sezvo muchiziva zviri mumwoyo make,

mubatsirei zvichienderanawo

namaitiro ake (nokuti imi moga ndimi

munoziva zviri mumwoyo womunhu)

40kuitira kuti vagare

vachikutyai misi yose yavachagara

munyika yamakapa madzitateguru avo.

41“Pamusana pezita renyu muitewo

zvimwechetezvo nomutorwa, wechirudzi

kuvanhu venyu vaIsiraeri, mubvakure

42nokuti vachanzwa nezvezita

renyu guru nezvoukuru hwenyu

nezvesimba renyu guru, akauya

kuzonamata akaringa kumba ino,

43imi munzweiwo kudenga ikoko

kunzvimbo yenyu kwamunogara

muitire mutorwa iyeyo zvose

zvaanenge akukumbirai kuitira kuti marudzi

ose avanhu vapanyika pano

vagoziva zita renyu vakutyei sezvinoita

vanhu venyu vaIsiraeri uyewo

vagoziva kuti imba ino yandavaka

yakaiswa zita renyu.

44“Kana vanhu venyu vakaenda

kundorwisa vavengi vavo kwamunenge

mati vaende, vakanamata

kunemi Tenzi vakaringa kuguta rino

ramakasarudza vakaringawo kumba

iyi yandakavakira zita renyu,

45vanzwei munamato wavo nechichemo

chavo kudenga ikoko muvaitire

zvavanenge vachichemedzeka nazvo.

46“Kana vakaita chitadzo kwamuri,

sezvo kusina munhu asingapari

chitadzo, imi mukavashatirirwa

mukavaisa mumaoko avavengi vavo kuti

vatapwe vaendwe navo kunyika

yavavengi vavo iri kure kana pedyo,

47kunyange zvazvo zvakadaro

vakazviti kunun'unu mumwoyo mavo

vari munyika youtapwa imomo

vakapinduka voturira chichemo chavo

kwamuri vari munyika youtapwa iyoyo vachiti,

‘Takatadza tikaita zvakaipa tikave vasina kururama;’

48kana vakapindukira kwamuri

nomwoyo wavo wose vachinge

vanyatsozvipira kupinduka ivo

pachavo vari munyika yavavengi vavo

vanyakuvatapa, vakanamata

kwamuri vakaringa kuno kunyika yavo

yamakapa madzitateguru avo

kuguta ramakasarudza kumba ino

yandakavakira zita renyu;

49vanzwei munamato wavo nechichemo

chavo kudenga ikoko kunzvimbo

yenyu kwamunogara muvaitire

zvavanenge vachichemedzeka nazvo

50muregererewo vanhu venyu vanenge

vakutadzirai, muvaregererewo

zvikanganiso zvavakakukanganisirai

nazvo mupe kuti vanyakuvatapa

vacho vavaitire tsiye nyoro,

51nokuti vanhu venyu, inhaka

yenyu iyi, vanhu vamakaburitsa

kuIjipiti mukati mevira nomoto wesimbi.

52Meso enyu atarise misodzi

yezvichemo zvomuranda wenyu atarisewo

misodzi yezvichemo zvevanhu

venyu vaIsiraeri murerekere nzeve

dzenyu kwavari pose pavanochema kwamuri

53nokuti imi Tenzi Mwari

makavatsaura mukati memarudzi ose

apanyika pano kuti vave nhaka yenyu

sokutaura kwamakaita nomuromo

waMosesi muranda wenyu pamakaburitsa

madzitateguru edu kuIjipiti.”

Chikomborero chakakumbirirwa vanhu naSoromoni

54Soromoni paakapedza kunamata munamato uyu wose nokuturira chichemo ichi kuna Tenzi, akasimuka pamberi peatari yaTenzi paakanga akapfugama akasimudzira maoko ake mudenga.

55Akamira akakomborera gungano rose reIsiraeri nezwi riri pamusoro achiti,

56“Tenzi ngaarumbidzwe

akazorodza vanhu vake vaIsiraeri

akaita zvose zvaakatsidza

pasina kana chimwe zvacho

chisina kuitika pazvinhu

zvose zvakanaka zvaakatsidza

nomuromo womuranda wake Mosesi.

57Tenzi, Mwari wedu ngaave

nesu sokuva kwaaimbovawo

namadzitateguru edu. Dai akarega

kutisiya kana kutifuratira

58aite kuti titorwe mwoyo

naye tifambe mumakwara ake tichengete

mitemo yake nemirao yake

nezvirevo zvake zvaakaudza madzibaba edu

kuti zvichengetwe.

59Dai mazwi angu aya andataura

pakuisa chichemo changu kuna

Tenzi angoramba waro ari paari

iye Tenzi, Mwari wedu siku nesikati

uyewo muitire muranda wenyu

navanhu vake vaIsiraeri zvavanenge

vachichemedzeka nazvo

zvavanenge vamuturira pazuvaro

60kuitira kuti marudzi ose apasi

pano azive kuti Tenzi ndiye

Mwari, hakuna mumwe.

61Dai imi nomwoyo wose mangova

mukombe nechirongo naTenzi, Mwari

wedu mutevedze mirao yake muchengete

mitemo yake sezvazviri nhasi uno.”

Kuteketererwa kweTemberi kuna Tenzi(2 Nhor 7:4–10)

62Mambo navaIsiraeri vose vaaiva navo vakazopira zvibayiro kunaTenzi.

63Soromoni akapira kuna Tenzi mipiro yokuwadzana yemombe zviuru makumi maviri zvine zviuru zviviri uyewo zviuru zvehwai zvaiita zana rina makumi maviri. Saizvozvo mambo navanhu vose veIsiraeri vakateketera imba iyoyi kuna Tenzi.

64Musi wakarewo mambo akaturira kuna Mwari chimwe chidzengerere chapakati poruvanze pokunge toda kupinda mumba yaTenzi macho. Ndipo paakapirira mupiro wokupisa nomupiro weupfu hwembesanwa namafuta emipiro yokuwadzana. Chakanetsa ndechokuti atari iya yendarira yaiva ipapo paiva naTenzi yakaita diki kuti ipirirwepo mupiro wokupisa nomupiro weupfu hwembesanwa namafuta emipiro yokuwadzana.

65Naizvozvo, panguva iyoyo, Soromoni nevaIsiraeri vose vaaiva navo gungano guru kwazvo vakaita mabiko okupemberera kwamazuva manomwe ndokuitazve mamwe mazuva manomwe, ose pamwechete akaita mazuva gumi namana vari pana Tenzi, Mwari wedu. Vakanga vari gungano guru kwazvo ravanhu vokubva pokunge tava kuda kusvika kuHamati kusvikira kukakova keIjipiti.

66Pazuva rechisere mambo akaparadza musasa oonekana navanhu. Vanhu vakarumbidza mambo vakaenda kumisha yavo mwoyo yavo isingagone nokufarira zvinhu zvakanaka zvakanga zvakaitwa naTenzi kune muranda wake Dhavhidhi nokuvanhu vake vaIsiraeri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help