Isaya 32 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mambo wapachokwadi

1Chinzwai,

kana mambo ava kutonga noururami

makurukota ava kutonga noruenzaniso,

2mumwe nomumwe wavo

anenge ave senzvimbo yokuvanda mhepo

senzvimbo yokuhwanda dutu

setukova twemvura munzvimbo yakaoma,

somumvuri wedombo mukuru munyika yakaoma.

3Maziso avanofanira kuti vatarise zvinhu

haazotsinzinya

nenzeve dzavanofanira kunzwa

dzichateerera.

4Vane pfungwa yokuti zvose ndezvechimbichimbi

vachava nourongwa hwakanaka,

vanokakama vachataura vasingazezi,

uye zvinonzwika.

5Rema romunhu harizonzi

munhu anofanira kuremekedzwa

kana kuti kanyimiramundiro onzi mupanegombe.

6Rema romunhu rinotaura zvenhema

pfungwa dzaro dziri pakuronga

kuita zvakaipa

napakuita zvisingadiwe naMwari

richitaura zvisiri izvo

pamusoro paTenzi.

Ane nzara anomuregera nenzara yavo

vane nyota nenyota yake.

7Zvinoitwa navanoudyire zvakashata

vanoronga mazano akaipa

kuti varozve varombo

nenhema dzavanotaura

vachitadzisa vanotambura kuwana

zvinhu zvavane mvumo yokuti vawane.

8Asi munhu kwaye

anoitawo zvinhu nomazvo

zvinhu zviri pachokwadi

ndozvaanomira nazvo.

Kutonga nokumutsuridzwa kwezvinhu

9Simukai imi vakadzi

makagarika,

izwai izwi rangu

imi vanasikana imi munozviti

ndisu pano

chimbonzwai zvandiri kutaura.

10Mushure menguva ndikindiki

inongoti pfuurei gore,

muchazvishayira pazvo,

iyemi vakadzi munozviti

ndisu pano

nokuti zvokusvina waini

panenge pasisina

uye zvokukohwa,

panenge pasisina.

11Dederai imi vakadzi makagarika,

hutai iyemi munozviti ndisu pano.

Pfekenurai musare musina chamakapfeka

musungire muchiuno mitikisha yamasaga.

12Batai gotsi mucheme,

minda yakanakisa

yemiti yemigirepisi

inobereka muchero

13mucheme ivhu ravanhu vangu

mava kungokura zvamo

mumunzwa norukato, ehe!

Mucheme dzimba dzose dzemafaro

dzomuguta remafaro

14nokuti muzinda wamambo

uchazongosara wakadaro

guta ranga rizere navanhu

richasara risisina vanhu

chikomo nenharire pokutaririra

zvichava matanga narini wose

anofarirwa nemadhongi omusango

mokufura zvamo zvipfuwo.

Kudururwa kwaMweya

15Kusvikira Mweya wadururirwa kwatiri

uchibva kudenga

renje rava munda unobereka zvirimwa

munda wembeswa rave sango zvaro.

16Ipapo ruenzaniso ruchawanika

kunyange nokurenje

ururami huchiwanika

kunyange nomumunda unobereka zvirimwa.

17Rugare ndoruchava

muchero wokururama ikoko

muchero wokururama ikoko

uchava runyararo nokuvimbika

nokusingaperi.

18Vanhu vangu vachagara

mumisha ine rugare

mudzimba dzisina njodzi

dzokuzororera dzine runyararo.

19Sango richanyatsoparara

guta richanyatsonzi pasi mbombombo.

20Makakomborerwa zvenyu imi

munodyara pose pane mvura

munogona zvenyu kuita

mombe namadhongi enyu

zvokutosaidzira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help