1Dhemetiriusi paakanzwa kuti Nikanori nehondo yake vakafa vari pakati pokurwa muhondo, akatuma Bhakidhesi naArikimusi kunyika yokwaJudha rwechipiri aine chimwe chikwata chavarwi vehondo iyi chainyatsotsigirana naye chaicho.
2Vakaenda nenzira inonanga kuGarirea vakandodzika musasa wematendhe pakatarisana neMesaroti kuAribhera vakaikurira vakauraya vanhu vakawanda.
3Mumwedzi wechiposhi wegore rezana namakumi mashanu nechipiri vakadzika musasa wacho wematendhe vorwisa Jerusaremu.
4Vakabva ipapo vakafamba voenda kuBherea vaina makumi maviri ezviuru zvavarwi vetsoka nezviuru zviviri zvavarwi vamabhiza.
5Izvozvo Judhasi akanga akadzikawo musasa wamatendhe kuErasa aine zviuru zvitatu zvavarwi vehondo, vano vakanyatsosarudzwa.
6Pavakaona kuti varwi vokuvavengi vavo vakawandisa zvikuru kwazvo, vakabatwa nokutya kukuru. Vazhinji vavo vakaverera pamusasa pacho kudzamara pangosara chete varwi vasingapfuuri mazana masere.
7Judhasi paakaona kuti hondo yake yakanga yaverera uye kuti pava kutomirisanwa muhondo zvakamurasisa mwoyo kwazvo nokuti akanga asisina nguva yokumboti avaunganidze.
8Zvakamurukutisa asi akataurira vakanga vasara kuti, “Ngatisimukei tindorwisana navavengi vedu. Zvichida tingagone kurwisana navo.”
9Asi ivo vakaedza kumuti aite napamwe vachiti, “Hatimbokwanisa. Dai tikazviponesa zvedu upenyu iye zvino, tozodzoka tine vamwe vedu kuzovarwisa. Tanyanyisa kuita vashoma.”
10Asi Judhasi akati, “Hazvide kumbofa zvakaitika kwatiri kuti isu tivatize. Kana nguva yedu iri yasvika, regai tife samagamba tifire hama dzedu tirege kusiya taita chimwe chinotishoresa zita.”
11Hondo yaBhakidhesi yakabuda mumusasa wamatendhe ikandomira pavaizorwira vari. Varwi vamabhiza vakaiswa muzvikwata zviviri. Varwi vezvimviriri navarwi vokupfura nouta nemiseve vakatungamira vari mberi kwehondo yavarwi iyi sezvaiita varwi vehondo vakuru vakuru.
12Bhakidhesi akanga ari nechokurudyi, kuruboshwe nokurudyi kwake kuine zvikwata zvavarwi. Mitsetse yavarwi vakarongana ichifamba ngondo yamabhosvo ichidandaura. Varwi vaive naJudhasi vakaridzawo mabhosvo avo.
13Nyika yakandengendeka noruzha rwehondo idzodzo, hondo yakatsviriridza kubvira mangwanani kudakara manheru.
14Judhasi akaona kuti simba rehondo yaBhakidhesi raiva kurudyi, nokudaro varume vemwoyo wechivindi vose zvavo vakaenda naye.
15Vakakurira vokudivi rokurudyi ivavo akavadzingirira kusvikira kuGomo reAzotusi.
16Vedivi rokuruboshwe vaya pavakaona kuti vokudivi rokurudyi vakurirwa vakabva vatendeukira ikoko ndokudzingirirana mushure kutevera Judhasi navarwi vake.
17Hondo yakati zvino yaoma, vazhinji kumativi aya ose ari maviri vakakuvadzwa vakafa.
18Judhasi akafawo vamwe vose vakati ware kutiza.
19Jonatani naSimoni vakatora Judhasi mukoma wavo vakamuviga muguva ramadzitateguru avo kuModheini
20vakamuchema. Isiraeri yose yakaungudza zvikuru kwazvo ichimuchema. Vakamuchema kwamazuva mazhinji vachiti,
21“Zvauya sei chokwadi
gamba kuti kan'an'a kudai,
iye mununuri weIsiraeri!”
22Zvino dzimwe nyaya dzezvaJudhasi nehondo dzake nougamba hwaakaita noukuru hwake, hazvina kunyorwa nokuti zvakanga zvakawandisisa kwazvo.
IV: JONATANI MUTUNGAMIRIRI WAVAJUDHA NOMUPRISTI MUKURU 160—143 KAAKusarudzwa kwaJonatani kuva mutungamiriri23Mushure mokufa kwaJudhasi kwakamuka vamwe vanhu vakanga vasina mutemo kwose kwose muIsiraeri vose vanhu vasingaite zvinhu zvinoruenzaniso vakamuka.
24Mumazuva iwayo kwakaita shangwa yenzara, nyika ikatetereswa naivava kumuvengi.
25Ipapo Bhakidhesi akasarudza vasingatyi Mwari akavaita kuti vave vatungamiriri venyika.
26Ivowo vakavhima vakatsvaka shamwari dzaJudhasi vakavaunza kuna Bhakidhesi. Iye akavatsividza achivaita zvake chiseko chenyika.
27Saizvozvo muIsiraeri makaita nhamo tsvuku isina kumboitika kubvira panguva yakambomira kuoneka vaporofita pakati pavo.
28Shamwari dzaJudhasi dzose dzakaungana dzikati,
29Jonatani, “Chinguri chakafa mukoma wako Judhasi, hakuna kuzoita mumwe akaita saiye wokundorwisa vavengi vedu naBhakidhesi uye akawana zvaangaite navamwe verudzi rwedu vanotivenga.
30Saka zvino isu takusarudzai imi nhasi uno kuti mugare panzvimbo pake somutongi wedu nomutungamiriri wedu mugorwa hondo dzedu.”
31Ipapo Jonatani akagamuchira kutungamirira ikoku akatsiva nzvimbo yomukoma wake Judhasi.
Kuhwanda kwaJonatani32Bhakidhesi paakazviziva akaedza kumuuraya.
33Asi Jonatani nomukoma wake Simoni nevaaiva navo vakazvinzwa vakabva vatizira kurenje rokuTekowa. Vakadzika musasa wavo panyasi pemvura yokudziva reAsifari.
34Bhakidhesi akazviziva nomusi weSabata ndokubva ayambuka nehondo yake Jorodhani.
35Jonatani akatuma mukoma wake ari somutungamiriri wavanhu vakawanda akakumbira vanhu vechiNabhatia vakanga vari shamwari dzake kuti vamubvumire kuchengeta zvinhu zvavo zvavaiva nazvo zvakanga zvakawanda kwazvo kwavari.
36Asi vanakomana vokwaJamburi vokuMedhebha vakabudira Johani vakamupamba pamwechete nezvinhu zvose zvaaiva nazvo vakaenda nazvo.
37Mushure maizvozvi shoko rakasvika kuna Jonatani nokumukoma wake Simoni richiti, “Vanakomana vokwaJamburi vari kupemberera mabiko makuru omuchato vari kutoenda nomuroora wacho mwana womumwe wavakuru vakuru vomuKanani vachibva kuNadhabhati vakachengetedzwa negurusvusvu chairo ravanhu.”
38Vakarangarira ropa romukoma wavo Johani vakakwira vakasvikohwandira vari mugomo.
39Vakasimudza misoro vakatarisa, vakaona manyoremanyore avanhu vakatakura zvinhu uye murume wacho akabuda aina vaperekedzi vake navakoma navanun'una vake kuzochingurana navo vaine ngoma navaimbi nezvombo zvehondo.
40Vakavabudira kubva pavakanga vakavahwandira vakavamba kuvauraya. Vazhinji vakakuvara vakafa, vamwe vakatizira kugomo, ivo vakatora zvinhu zvavo zvose.
41Saizvozvo muchato wakazopinduka ukava kuchema. Mazwi avaimbi akapinduka akava dzimbo dzokuviga vakafa.
42Pavakapedza kunyatsotsividza ropa rehama yavo vakaenda kumachakwi omuna Jorodhani.
Kupunyuka kwaJonatani hondo yakamukomba43Pakasvika izvozvi izvi munzeve dzaBhakidhesi akauya kumahombekombe aJorodhani aine gurusvusvu ravarwi vehondo uri musi weSabata.
44Jonatani akati kuna vaaiva navo, “Ngatisimukei tirwire upenyu hwedu nokuti zvanhasi uno izvi, mamiriro ezvinhu haana kuita sezvaakanga akaita kare
45nokuti onaika, hondo iyi yatikomba mberi neshure, uku kune mvura yomuna Jorodhani ukuwo kuna machakwi nezvikwenzi zvakaita rugwenhere, hapana kana kwokutendeukira.
46Saka zvino chitochemai kuna Nyadenga kuitira kuti zvimwe munganunurwe mumaoko avavengi vedu.”
47Hondo yakabva yatanga, Jonatani akasimudza ruoko rwake kuti arove Bhakidhesi. Asi iye akamunzvenga akabva aenda shure.
48Jonatani navarwi vaaiva navo vakabva vasvetukira muna Jorodhani ndokuyambukira kumhiri vachishambira. Vavengi havana kuyambuka Jorodhani kundovarwisa.
49Vanhu vokwaBhakidhesi vakafa musi iwoyo vaikarosvika chiuru chimwechete chavarwi.
Maguta etsvingo akavakwa naBhakidhesi muJudhia50Bhakidhesi akazodzokera Jerusaremu akavaka maguta akasimba muJudhia achivakirira norusvingo guta reJeriko nereEmausi neBhetihoroni neTimunati nereParatoni neTefoni netsvingo ndefu nemisuo mikuru namazariro.
51Akaisa imomo zvikwata zvavarwi vehondo zvokutambudza Isiraeri.
52Akavakirirawo norusvingo guta reBhetizuru nereGazara uye nenhare yokuzvidzivirira muhondo. Akaisawo imomo mapoka avarwi vehondo nokuchengeteramo zvokudya.
53Akabata vanakomana vavakuru vakuru venyika iyi akavaisa muusungwa. Akavaisira vanhu vokuvachengetedza munhare yokuzvidzivirira muhondo kuJerusaremu.
54Mugore rezana namakumi mashanu nechitatu mumwedzi wechipiri, Arikimusi akati vanhu vapaze rusvingo rworuvanze rwomukati rweNzvimbo Inoera. Akapaza basa ravaporofita.
55Chaakangoita chete kwaiva kutangisa kurupaza nokuti nguva iyoyo Arikimusi akabva arohwa nedenda, basa rake rikabva ratomiswa. Akakundika kutaura atonhora muviri rutivi zvokuti ainge asisakwanisi kududza kana izwi rimwechete zvaro kana kurongera vanhu zvomusha wake.
56Ipapo Arikimusi uyu akazofa atambura zvikuru kwazvo.
57Bhakidhesi paakaona kuti Arikimusi uya wafa, iye akadzokera kuna mambo ndokubva nyika yaJudha yamboita makore maviri yakazorora.
Chibvumirano chorunyararo chaBhakidhesi naJonatani58Zvino vanhu vose vasina mutemo vakaita bangano vakati, “Chionaika, Jonatani navanhu vake vagare zvavo murunyararo vakatogarikana zvavo. Saka zvino ngatidzosei Bhakidhesi. Anovabata vose nousiku humwechete.”
59Vakaenda kundorangana naye.
60Akatangisa kuuya negurusvusvu rehondo akatumira matsamba muchivande kune vaitsigirana navo muJudhia kuti vabate Jonatani navanhu vake asi havana kukwanisa kuzviita nokuti zano ravo rakazivikanwa.
61Jonatani navarwi vake vakabata varume vakada kuita makumi mashanu vomunyika imomo vainge vari nhungamiri pazano iroro rakaipa akavauraya.
62Jonatani navarwi vake pamwechete naSimoni vakaenda kuBhatibhasi kurenje. Akavakirira dzimwe nzvimbo dzeBhetibhasi dzakanga dzapazwa vakavakirira zvokuridzivirira.
63Bhakidhesi paakaziva izvozvi, akaunganidza hondo yake yose akazivisawo vaiva kuJudhia.
64Akauya kuzodzika musasa wematendhe wokurwisa Bhetibhasi. Akarirwisa kwamazuva mazhinji akavakawo michina yokurwisa muhondo.
65Asi Jonatani akasiya mukoma wake muguta imomo iye achienda kumaruwa. Akaenda navarume vashomanana.
66Akauraya Odhomera nehama dzake navanakomana vaFasironi mumatendhe avo.
67Akatangisa kurwisa akapinda muhondo navarwi vake. Simoni navanhu vake vakabuda muguta muya vakapisa michina yehondo.
68Vakarwisana naBhakidhesi vakamukurira, vakamuita kuti atambudzike kwazvo nokuti zvaakanga aronga nezvaakanga afambira hazvina kubudirira.
69Naizvozvo akashatirirwa zvikuru vanhu vasina mutemo vakanga vamubayira zanhi kuti auye munyika iyoyo akauraya vazhinji vavo. Akazobva ofunga zvokuenda kunyika yokwake.
70Jonatani paakazviziva, akatumira nhume kwaari neshoko rokuti pave nokuwadzana pakati pavo uye kuti vasunungurirane vasungwa vavo.
71Akabvuma kuita zvakanga zvarehwa naJonatani. Akatsidza kuna Jonatani kuti haazomukuvadzi paupenyu hwake hwose.
72Akadzorera vasungwa vaakambenge atora kunyika yaJudha, akapishinuka odzokera kunyika kwake. Haana kuzouyazve munyika yavo.
73Nokudaro muIsiraeri hondo yakabva yapera. Jonatani akandogara kuMikimashi. Jonatani akavamba kutonga vanhu akaparadza vasingatyi Mwari muIsiraeri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.