Ezekieri 30 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Tenzi acharanga Ijipiti

1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2“Mwanakomana womunhu porofita uti zvanzi naTenzi Mwari:

“Daidzira uchiti,

‘Hero zuva riya

3nokuti zuva racho rava kusvika.

Zuva raTenzi rave pedyo,

richange riri zuva rakati gude gude namakuti,

nguva yokuparara kwamarudzi avanhu.

4Bakatwa richaparadza Ijipiti,

Itiopia ichawirwa nenhamo,

vanenge vaurayiwa

muIjipiti vachiti rakata;

upfumi hwayo huchaendwa nahwo,

ugaro hwayo huchiputswa.’

5“Itiopia nePuti neRudhi neArabhia yose neRibhia navanhu venyika dzine chirangano chokubatana vachanziwo nebakatwa pamwechete navo kata kata.”

6Zvanzi naTenzi Mwari,

“Vanotsigira Ijipiti vachaputsika

kuzvikudza kwayo nesimba kuchaderera

kubvira kuMigidhori kusvikira kuAswani

vachati nebakatwa rakata mukati mayo.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

7“Vachasara vava renje rokupedzesera

mukati medzimwe nyika dzakava renje

uye maguta avo achiva

maguta zvawo okupedzesera pakati pamamwe akaparadzwa

8ndipo pamuchazoziva kuti ndini Tenzi

kana ndapisa Ijipiti nomoto

vatsigiri vayo vose vakaparadzwa.

9“Pazuva iroro nhumwa dzichabva kwandiri nengarava dzichindotyisidzira vanhu veItiopia vakavarairwa zvavo. Nhamo ichavawira zuva iroro rokuparara kweIjipiti nokuti hero rouya.”

10Zvanzi naTenzi Mwari;

“Ndichaita kuti mhomho dzeIjipiti

padzo padziperere mumaoko maNebhukadhireza

mambo weBhabhironi.

11Iye pamwechete navarwi vake

vanachazezesa vacho kumarudzi avanhu

vachaunzwamo kuzoparadza nyika iyoyo.

Vachaburitsira Ijipiti mapakatwa avo

vagozadza nyika yacho

navanhu vanenge vaurayiwa.

12Ipapo ndichaomesa rwizi rweNairi,

nyika yacho ndoitengesa

mumaoko avanhu vakaipa.

Ndichaita kuti nyika iyoyo iparadzwe

navatorwa pamwechete nezvinhu zvose zvirimo

ini Tenzi ndini ndataura.”

13Zvanzi naTenzi Mwari,

“Ndichaparadza zvifananidzo zvokunamata

ndichigumisa zvifananidzo zvokunamata

zviri muguta reMemufisi.

Munyika yeIjipiti

hamuchafa makaita jinda remo

nezvo ndichaisa kutya munyika yeIjipiti.

14Dunhu rePatirosi

ndichariita renje zvaro

ndichibva ndabatidza moto kuZoani

uye ndichagadza dare guta reTebhesi

ndichiranga guta iroro.

15Ndichavirukira guta rePerusiumu nehasha

nhare yeIjipiti

ndichirakatisa kuuraya gurusvusvu racho reTebhesi.

16Ijipiti ndichaitungidza nomoto

Perusiumu icharwadziwa zvikuru.

Tebhesi ichakoromorwa

rusvingo rwayo rugopazwa.

17Majaya okuOni nokuPibheseti

vacharakatiswa nebakatwa

vanhukadzi vachaenda kuutapwa.

18KuTehafunehesi kuchasviba masikati machena

pandichaparadzako umambo hweIjipiti

uye kuzvitutumadza kwaro nesimba

kuchapera rigonzi kwidiba negore.

Vanasikana varo vachaenda kuutapwa.

19Ndizvo zvandichaita kuIjipiti

pandichaigadza dare.

Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.”

Kushaiswa simba kuchaitwa Ijipiti

20Mugore regumi nechiposhi, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe remwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

21“Iwe mwanakomana womunhu ndaparadza simba roruoko rweIjipiti. Asi tarisa uone hakuna arisunga kuti ripore nokurisunga nebhandeji kuitira kuti risimbe zvokugona kuvheesa bakatwa.

22Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chiona ndanangana naFarao mambo weIjipiti. Ndichatyora maoko ake ose ari maviri, rwakasimba nerwakambotyoka rwuya. Uye ndichamukandisa pasi bakatwa riri muruoko rwake.

23Ndichaita kuti vaIjipiti vapararire nomumarudzi avanhu ndichivati mwarara nedzinyika.

24Ndichasimbaradza maoko amambo weBhabhironi ndiise bakatwa rangu mumaoko make. Asi ndichatyora maoko aFarao, agombe ari mberi kwake somunhu akuvara zvokufa chaizvo.

25Ndichasimbaradza maoko amambo weBhabhironi asi Farao achati maoko regwede. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. Pandinenge ndaisa bakatwa rangu mumaoko amambo weBhabhironi, acharisimudzira nyika yeIjipiti.

26Ndichaparadza vaIjipiti mukati memarudzi ndichivamwararisa nomudzinyika. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help