Nziyo 14 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kumuimbisi waDhavhidhi.Uipi hwavanhu

1Benzi rinoti nechomumwoyo,

“Hakuna Mwari.”

Vane tsika dzakaora;

vanoita zvinhu zvinosemesa;

hapana anoita zvakanaka.

2TENZI ari kudenga

anotarisa pasi kuvanhu

kuti aone kana pane vanoita zvino ungwaru;

vanotsvaka Mwari.

3Vose vakatetereka;

vose vakangofanana;

vane tsika dzakaora.

Hapana anoita zvakanaka,

kana mumwechete zvake.

4“Havanzwisisi here, ivo

vaiti vezvakaipa vose

vanodya vanhu vangu

sevanodya chingwa?”

Havacheme kuna TENZI.

5Ipapo vachabatwa nokutya kukuru

nokuti Mwari ari pamwe nechizvarwa chavakarurama.

6Imi munopongesa mazano omurombo

asi TENZI ndiye diziro rake.

7Dai ruponeso rweIsiraeri

rwangobva kugomo reZioni.

Kana TENZI ava kudzosa vaIsiraeri kuutapwa,

vokwaJakobho vachapembera

vokwaIsiraeri vachafara.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help