Isaya 19 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mwari acharanga Ijipiti

1Shoko rakanangana neIjipiti.

Tarirai muone

“Tenzi agere pagore riri kumhanya chaizvo

achienda kuIjipiti,

zvifananidzo zvokunamata zveIjipiti

zvichadedera nokuvapo kwake,

vaIjipiti vachadumbirwa nazvo.

2Ndichaita kuti vaIjipiti vamukirane,

vacharwisana pachavo,

mumwe achirwisana nomumwe wake,

maguta achirwisana pachawo,

madzimambo achirwisanawo pachawo,

3VaIjipiti vacharasiswa mwoyo,

ndichavhiringidza mazano avo.

Ivo ndopavachaenda kundobvunzira

kuzvifananidzo zvokunamata,

nokuna vano un'anga hwokufembera namaminimini

vachindobvunzirawo kumidzimu nokun'anga.

4Iniwo ndopandicharamwira vaIjipiti ivavo,

mumaoko atenzi ano mwoyo wakaoma,

vatongwe namambo anotyisa

ndizvo zviri kutaurwa naTenzi

Tenzi wehondo nehondo.”

5Mvura yomuna Nairi ichapwiswa

rwizi ruchanyatsoti papata kuoma.

6Migero yayo ichava gutukutu kunhuwa,

tukova tunodira muna Nairi yeIjipiti

tuchaserera tugopwa,

tsanga nenhokwe dzichaora.

7Kuchaita madzvanga madzvanga muna Nairi

kumahombekombe aNairi,

zvose zvinodyarwa pedyo naNairi zvichaoma

zvigopeperetswa pasare pasisina.

8Varedzi vachaungudza vachichema,

vose zvavo vanokanda chirauro muna Nairi

vachanyatsoti gojoto,

ivavo vanokanda usvasvi mumvura.

9Vashandi vanokuruza rwodzi rweFurakisi,

vachaora mwoyo

pamwechete navanoruka machira nedonje jena.

10Varuki vamachira vachadumbirwa nazvo

vashandi varasa mwoyo.

11Machinda okuguta reZoani,

mazipenzi chaiwo evanhu,

ngwazi dzomakurukota aFarao

dzinopa mazano asina nomusoro wose.

Ndicho chii chamunotaura kuna Farao muchiti,

“Ini ndiri mwanakomana wengwazi,

mwanakomana wamadzimambo echinyakare?”

12Ko zvino ngwazi dzenyu dziripi?

Ngadzichikutauriraika, dzifanokuzivisai

zvarongwa kuitwa kuIjipiti

naTenzi wehondo nehondo.

13Machinda okuguta reZoani

ava mapenzi avanhu

uye machinda okuguta reMemufisi,

azofuririkana;

vakuru vakuru vomumadzinza eko

vateteretsa Ijipiti.

14Tenzi apinza mukati mayo

mweya wenyonganyonga

vakaita kuti Ijipiti idzedzereke

mune zvose zvazvo zvainoita

sokudzadzarika kunoita chidhakwa

mumarutsi acho.

15Hapana chichagona kuitwa muIjipiti nenhungamiri

nevokumuswe vacho

kana kuitwa nebazi romurara

kunyange norutsanga zvarwo.

VaIjipiti vachanamata Mwari

16Pazuva iroro vaIjipiti vachaita savakadzi chaivo vodedera kutya simba roruoko rwaTenzi wehondo nehondo runenge rwozunzwa pamusoro pavo.

17Nyika yokwaJudha ichava chazezesa kuvaIjipiti. Anongoinzwa chete ichidomwa achatya pamusana pedzavarongerwa naTenzi wehondo nehondo.

18Musi iwoyo munyika yeIjipiti muchava namaguta mashanu anotaura rurimi rweKanani vachitopika naTenzi wehondo nehondo. Rimwe rawo richanzi, “Gutarezuva.”

19Nomusi iwoyo kuchava neatari yaTenzi mukati menyika yeIjipiti nomusimboti waTenzi kumuganhu kwayo.

20Zvichange zviri chiratidzo chinopupurira Tenzi wehondo nehondo munyika yeIjipiti pavanochema kuna Tenzi pamusana pevanodzvinyirira vamwe iye anozovatumira mununuri achavadzivirira achivaponesa.

21Tenzi achazvizivisa kuvaIjipiti, vaIjipiti vachazivawo Tenzi pazuva iroro vagomupfugamira nokupira kwaari zvibayiro nomupiro wokupisa. Vachapika mhiko kuna Tenzi vachidzichengeta.

22Tenzi acharova Ijipiti nedenda, airova kudaro, achazoiporesa, ivo vachazotendeukira kuna Tenzi, iye achazonzwa zvichemo zvavo agovarapa.

23Nezuva iroro kuchava nomugwagwa mukuru unobva kuIjipiti uchienda kuAsiria. VaAsiria vachauya muIjipiti, vokuIjipiti vachiendawo kuAsiria uye vaIjipiti vachanamata pamwechete nevaAsiria.

24Pamusi iwoyo Isiraeri ichava yechitatu kunyika yeIjipiti neAsiria dzichange dzava chikomborero chaicho pakati penyika,

25Tenzi wehondo nehondo, dzaachakomborera achiti, “Makakomborerwa zvenyu imi vanhu vangu vaIjipiti, nemi vaAsiria vandakasika namaoko angu, nemi vaIsiraeri nhaka yangu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help